Vatori venhau vaviri vanoshandira bepanhau reDaily News varohwa zvakaipisisa nemapurisa pavanga vachiita basa ravo vakaitwa kafiramberi zvichitevera kuratidzira kwanga kuchiitwa muHarare nemasangano akawanda anosanganisira Tajamuka.
VaMugabe vati vanhu ava vane chinangwa chekusvibisa zita ravo kuti vapandukirwe neveruzhinji.
Dare ramejasitiriti remuHarare raramba kuti Pastor Evan Mawarire vamiswe pamberi pedare vachipomerwa mhosva yavakasungirwa nemusi weSvondo.
Vari kupomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende nepamusana pekunetsa kwave kuita mafuta edzimotokari nekushayikwa kwezvinhu muzvitoro pamwe nekushayikwa kwemari mumabhanga.
Kutongwa kwaPastor Evan Mawarire panyaya yavanonzi vakapara muna 2016 kuchaitwa vachibva kujeri kudzamara dare ra magistrate ranzwa nyaya yavakasungirwa nezuro.
Dare repamusoro rakatura mutongo wekuti nyaya yakakwidzwa kudare neMDC-T ichida kuti kunyoreswa kuri kuitwa vanhu sevavhoti kumbomiswa kudzamara komisheni inoona nezvesarudzo yarongeka haifanire kunzwikwa nechimbichimbi.
Mhirizhonga yoitika muHarare zvichitevera kushaikwa kwemafomu anodiwa kuti munhu anyorese kuvhota pachishandiswa mishina yechizvino zvino yeBiometric Voter Registration kits. Vanoona neZvekufambiswa Kwemashoko Mubato reMDC-T VaObert Gutu Votaura nezve chiringwa ichi. Nyaya Ina Thomas Chiripasi.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, avo vakwanisa kunyoresa neChitatu, vatiwo havasi kufara nechinono chiri kuitwa neZEC kunyoresa vanhu.
Nyaya yakakwidzwa kudare neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ichipikisa matarirwo akaitwa nguva yekunyoresa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yatadza kusimuka mudare sezvo magweta aVaMugabe ati haana kunge akagadzirira kuti nyaya iyi inzwikwe.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, Muzvare Memory Kadau, vanoti VaMnangagwa vave patambo zvekuti vanogona kudzingwa muZanu PF chero ipi zvayo nguva.
VaTsvangirai varamba mashoko akaburitswa nesangano renhau reReuters nezuro ekuti vakabvumirana naVaMnangagwa kuti vagozoumba hurumende yemubatanidzwa kana VaMugabe vabva pachigaro.Vanoti havasati vasangana naVaMnangagwa kubva pakapera hurumende yemubatanidzwa muna 2013. VaObert Gutu votsinhira izvi.
VaTsvangirai vanoti havasati vasangana naVaMnangagwa kubva pakapera hurumende yemubatanidzwa muna 2013.
Mukuru anoona nezvekutoreswa kwezvitupa, VaTobaiwa Mudede, vanoti nzvimbo dziri kutorerwa nevanhu zvitupa pasi pechirongwa ichi ndidzo nzvimbo dzavagara vachishandisa pose panoitwa chirongwa ichi saka hapana chinoshamisa.
Nhengo dzeZanu-PF dzofora muHarare dzichitsigira Amai Grace Mugabe. Nyaya ina Thoma Chiripasi.
Nhengo dzeZanu PF dzakafora muHarare nemusi weChiotatu dzichiratidza rutsigiro rwadzo kumudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe avo vanonzi vari kutsoropodzwa nevakawanda mubato ravo.
Boka revechidiki reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti harisi kuzopeta mawoko aro kana vatsigiri vebato ravo vakaitirwa zvemhirizhonga pamberi pesarudzo dzegore rinouya.
Munyori mukuru musangano revaimbova varwi vehondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vasungwa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti vari muchiuto vari kubatsira veruzhinji zvakasimba vachiti vanofanira kuwedzerwa mari dzemihoro.
Bato rinopikisa reNational People’s Party raita kongiresi yaro yekutanga rikasarudza vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru kuti vari tungamire kwemakore mashanu anotevera.
Mapato akaumba mubatanidzwa weMDC Alliance aya anoti kwasara kuti vagare pasi vogadzira hwaro hwekuti votsvaga sei rutsigiro pamwe nenhengo dzichakwikwidza dzakamirira mubatanidzwa uyu.
Rodhai zvimwe