Accessibility links

Breaking News

Kupikisa Matarirwo eNguva yeBVR Kwonzwikwa neChina


VaDouglas Mwonzora (kurudyi)
VaDouglas Mwonzora (kurudyi)

Nyaya yakakwidzwa kudare neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ichipikisa matarirwo akaitwa nguva yekunyoresa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yatadza kusimuka mudare sezvo magweta aVaMugabe ati haana kunge akagadzirira kuti nyaya iyi inzwikwe.

Nyaya yakakwidzwa kudare nemunyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, yekuti kunyoreswa kwevavhoti kumbomiswa nepamusana pokuti komisheni inoona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, haina kugadzirira zvakakwana yatadza kuzeyiwa mudare repamusoro sezvo magweta anga akamirira VaMugabe ati haana kugadzirira zvakakwana.

Rimwe remagweta aya, VaTawanda Kanengoni, vati vanoshanda kuhofisi kwaVaMugabe vakatambidzwa mapepa emhosva nemagweta aVaMwonzora, haana kunyora mazita avo pamapepa aya saka vati vanoda nguva yekuti vambonyatsoongorora mapepa aya.

Mapepa akasvitswa kudare naVaMwonzora anoti ZEC haina michina yakakwana kuti itange kunyoresa vanhu sevavhoti vachiti kunyoreswa kwevanhu sevavhoti kwatanga nhasi kuchaita kuti vanhu vazhinji vatadze kunyoresa sevavhoti.

Gweta raVaMwonzora, VaEric Matinenga, vaudza mutongi wedare, VaDavison Moses Foroma, kuti magweta aVaMugabe anofanira kuunza mhinduro yaVaMugabe nechimbichimbi sezvo ZEC yatotanga kunyoresa vanhu sevavhoti.

VaMwonzora vaudza vatori venhau kuti havasi kufara nekutamba nenguva kuri kuitwa naVaMugabe avo vavati vaifanira kutanga vaona kuti ZEC yagadzirira zvakakwana here kuti itange kunyoresa vanhu sevavhoti vasati vatara mazuva achanyoreswa vanhu sezvinodiwa nemutemo.

Zvichakadai, VaMwonzora vati mamwe mapato anopokisa anoti MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Zapu, Transform Zimbabwe, pamwe neZimbabwe People First, vati vachabatana neMDC-T munyaya iyi kumatare vachida kuti chirongwa ichi chimbosendekwa parutivi kusvika ZEC yarongeka.

Mutongi wedare ati nyaya iyi idzoke kudare neChina uye vakurudzira magweta aVaMugabe kuti auye akagadzirira zvakakwana kuti nyaya iyi inzwikwe.

Zvichakadai, VaMwonzora vati ZEC iri kushandisa vechidiki vaiva muchirongwa cheBorder Gezi mukunyoreswa kwevanhu sevavhoti zvavati zvichaita kuti veruzhinji vakashungurudzwa zvine chekuita nematongerwo enyika vasasununguke pakunyoresa kuvhota pamwe nepakuvhota kwacho.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, kutongwa kwenyaya yavarume vana vanonzi vaida kupidigura hurumende yaVaMugabe kwatanga mudare repamusoro nhasi.

VaOwen Kuchata nevamwe vavo vatatu avo vaiva muchiuto vanoti VaSilas Pfupa, Borman Ngwenya, naVaSolomon Makumbe, vanonzi vakaedza kubhomba kupurazi raVaMugabe rinochengetwa mombe dzemukaka reGushungo Dairies riri kuMazowe nechinangwa chekupidigura hurumende yaVaMugabe.

Asi magweta evasungwa ava atsika madziro kuti VaKuchata vamiswe pamberi pedare vachitongwa nenyaya iyi sezvo vakatotongwa kare vakabatwa nemhosva mushure mekunge vabvuma mhosva mudare ramejasitiriti yekuti vaida kubhomba kupurazi raVaMugabe.

Mutongi wedare ati, VaTawanda Chitapi, vati nyaya iyi idzoke kudare musi wa29 Gunyana mushure mekunge magweta evasungwa ava akumbira kuunza kudare mapepa anoratidza kuti VaKuchata vakatongwa kare.

VaKuchata vacharamba vari mujeri sezvo vari kupika pamhosva yavakabvuma asi vamwe vavo vanga vari kunze vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachishandisa mari yavakambobhadhara kare.

Mutemo unoti munhu akatarisa nemhosva yakadai anofanira kunge ari mujeri kana nyaya iyi yave kutongwa asi mutongi wedare, VaTawanda Chitapi, vabvuma kuti vatatu ava varambe vakamirira kutongwa vachibva kudzimba dzavo.

Munyaya iyi, hurumende inoti iri kuda kuuunza vatori venhau vaviri vanoti Mlondolozi Ndlovu pamwe naMalvern Mkudu uye mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, kuti vazopa huchapupu mudare panyaya iyi sezvo vachinzi ndivo vakaita kuti nyaya iyi ibude mumapepa mushure mekunge yanyorwa naMlondolozi Ndlovu pakaitwa musangano naVaKuchata nevatori venhau paMedia Center.

MDC Court Challenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG