Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga paRemembrance House Vanhu Vachida Kunyoresa


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Kushomeka kwemapepa ari kushandiswa mukunyoresa vanhu sevavhoti kunonzi kwakonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo muHarare zvaita kuti mapurisa anorwisana nemvongamupopoto ashevedzwe panzvimbo iri kunyoreserwa vanhu muHarare.

Vanhu vakawanda muHarare vanoti vatadza kunyoresa sevavhoti muHarare sezvo vashandi vekomisheni inoona nezvesarudzo, avo vari kunyoresa vanhu sevavhoti, vanga vachiti havasisina magwaro ari kudaidzwa kuti VR9 forms ayo ari kusainiswa vanhu vachipika kuti vanogara papi chaipo.

Mumwe wevanhu vakundikana kunyoresa ndiMuzvare Chenai Dhausi avo vati vamwe vanhu vanga vachipinzwa nerweseri kuti vanyorese kuvhota.

VaBrian Mutsega, avo vati mutsigiri weMDCT vanotiwo mapepa ekunyoresa aswera apera zvapedzisira zvaita kuti vazotanga kuzvidhindira mapepa aya vachipanana sevanhu vari kuda kunyoresa kuvhota kuti vakwanise kunyoresa.

VaThemba Dhazeni, avo vati mutsigiri weNational People’s Party, vatiwo chiri kuvashamisa ndechekutiwo nhengo dzeZanu PF hadzisi kuonekwa pakunyoreswa kuri kuitwa uku zvava kuvapa kuti vafunge kuti pane chikiribidi chiri kuitwa.

Zvichakadai, zvinonzi mapurisa anorwisana nemvongamupopoto amboshevedzwa mushure mekunge vanhu vanga vachida kunyoresa sevavhoti vanga voimba vachishoropodza mafambisiro ari kuita ZEC basa mukunyoreswa kwevanhu sevavhoti.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, avo vakwanisa kunyoresa neChitatu, vati havasi kufara nechinono chiri kuitwa neZEC kunyoresa vanhu.

Zvichakadai, vashandi veZEC vari kunyoresa vanhu paRemembrance House muHarare vaudza Studio7 kuti chiri kukonzera kuti vanonoke inyaya yokuti vari kushandisa muchina mumwe chete kuti vakwanise kunyoresa vanhu sevavhoti vachiti vakatarisira mimwe michina neMuvhuro.

Vanoti vakwanisa kunyoresa vanhu makumi manomwe nevatanhatu chete.

Veruzhinji vakatarisirwa kuti vanyorese kusvika musi wa15 Ndira asi vanoti kana ZEC ichinyoresa vanhu vasingasvike zana pazuva zvinoreva kuti vanhu vakawanda vachatadza kunyoresa sevavhoti pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG