Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Manyepo Kuti Vari Kuita Hurukuro Muchivande naVaMnangagwa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, varamba mashoko ekuti vakaita chibvumirano nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabva pachigaro.

VaTsvangirai varamba mashoko akaburitswa nesangano renhau reReuters nezuro ekuti vakabvumirana naVaMnangagwa kuti vagozoumba hurumende yemubatanidzwa kana VaMugabe vabva pachigaro.

Mashoko aburitswa naVaTsvangirai anoti havasati vasangana naVaMnangagwa kubva pakapera hurumende yemubatanidzwa muna 2013.

Mashoko aburitswa naVaTsvangirai aya atsinhirwa nemutauriri weMDC, VaObert Gutu.

VaGutu varambawo mashoko ekuti pasi pechibvumirano chinonzi chakaitwa naVaTsvangirai naVaMnangagwa varungu vachawanikwa vachizodzoka mumapurazi avakatorerwa.

Mashoko akaburitswa neReuters aya anotiwo hurumende yeBritain iri kutsigirawo chibvumirano ichi icho charambwa naVaTsvangirai.

Mumwe muzvinahofisi pamuzinda weBritain muHarare uyo asina kuda kudomwa nezita ati hurumende yeBritain, iyo iri kumiririrwa naAmai Catriona Laing, inoshanda isina divi rayakarerekera,nokudaro mashoko akaburitswa neReuters aya haasi echokwadi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vati hazvingaite kuti VaMnangagwa vanzi vangaite chibvumirano chakadai naVaTsvangirai sezvo VaMugabe varivo vachakwikwidza vakamirira Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.

VaRuhanya vanoti kuburitswa kwakaitwa mashoko aya zviri kuratidza pachena kuti pane vari kuda kusvibisa zita raVaMnangagwa pamwe neraVaTsvangirai pamberi pesarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMnangagwa avo yakundikana kubata.

MuZanu PF mune zvikwata zviviri zviri kurwira kutora matomhu kubva kuna VaMugabe uye chimwe chezvikwata izvi, icho chiri kudaidzwa kuti Team Lacoste, chinonzi chiri kutsigira VaMnangagwa kuti vatore masimba kana VaMugabe vabva pachigaro.

Chimwe chikwata chiri kuzvidaidza kuti Generation 40 chinonzi chiri kutsigira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vatadzise VaMnangagwa kutora matomhu kubva kuna VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG