Accessibility links

Gogo Msika Vanoradzikwa kuHeroes Acre VaMugabe Vachituka Vana "Judas Iscariot" muZanu PF

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti havasi kuzomhanyiswa kusiya chigaro chavo nevanhu vavati vana Judas Iscariot vari muhurumende vavari kupomera mhosva yekukonzeresa kushayikwa kwezvinhu munyika vachiitira kuti veruzhinji vavapandukire.

Vachitaura pamarinda anoradzikwa magamba enyika paHeroes Acre neChina apo panga pachiradzikwa Amai Maria Msika, avo vaive mudzimai wevaimbova mutevedzeri wemutungamiri, mushakabvu VaJoseph Msika, VaMugabe vati pane vamwe vakuru-vakuru vari muhurumende vavasina kudoma nemazita vavati ndivo vari kukonzeresa kushayikwa kwemari nezvimwe zvinhu munyika vakafananidza vanhu ava naJudas Iscariot wemubhaibheri.

VaMugabe vati vanhu ava vane chinangwa chekusvibisa zita ravo kuti vapandukirwe neveruzhinji.

Nokudaro, VaMugabe vati havasi kuzomhanyiswa kusiya chigaro vachiti vakamirira zvido zveveruzhinji.

Mashoko aVaMugabe anouyawo zvakare apo sangano rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions rakakurudzira nemusi weChipiri kuti hurumende yaVaMugabe isiye basa izvozvi paiswe imwe hurumende inofanofambisa basa ichigardzirisa zviri kunetsa munyika pasati paitwa sarudzo itsva sezvo richipomera hurumende yeZanu PF mhosva yekutadza kufambisa zvinhu zvakanaka munyika.

Kunyange hazvo VaMugabe vachiti vakasarudzwa neveruzhinji zviri pachena, bato rinopikisa, reMDC rinotugamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti VaMugabe vakabirira zvemhando yepamusoro-soro musarudzo dzapfuura kuti varambe vari pachigaro.

Zvichakadai, vaimbova sachigaro weZanu PF mupurovhinzi yeMashonaland West uye vari nhengo yeparamende yakazvimirira vachimirira kuNorton, VaThemba Mliswa, avo vanga varipowo pakuradzikwa kwaAmai Msika, vati kunyange iri garoziva kuti VaMugabe ndivo vachange vari pachigaro kudzamara sarudzo dzaitwa gore rinouya, chakakosha ndechekuti vatsvage nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vataura akamirira mhuri yekwa Amai Msika uye ari mwana wemushakabvu, VaMaxwell Msika, vati amai vavo vakashanda zvakasimba kudzidzisa mhuri panguva iyo VaMsika vaive muhusungwa kujeri reGonakudzingwa uye vaibatsira nechikafu kuvarwi vehondo yerusununguko.

Amai Msika, avo vakafa nemusi weChishanu svondo rapera, vasiya vana vatatu vanoti Lucia, Shelton naiye Maxwell, vazukuru vasere nevazukuru-zukuru gumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG