Accessibility links

Nhengo dzeZanu-PF Dzofora muHarare Dzichitsigira Amai Grace Mugabe

  • Thomas Chiripasi

Amai Grace Mugabe

Nhengo dzeZanu PF dzakafora muHarare nemusi weChiotatu dzichiratidza rutsigiro rwadzo kumudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe avo vanonzi vari kutsoropodzwa nevakawanda mubato ravo pamusoro pemakakatanwa ari mubato iri pamwe nekurova kwavanonzi kaita tsvarakadenga yekuSouth Africa masvondo maviri adarika.

Zviuru nezviuru zvenhengo dzeZanu PF zvakabva kumativi mana enyika zvakafora kubva munzvimbo dzakasiyana muHarare zvichiratidza rutsigiro kunaAmai Mugabe pamwe nemurume wavo, VaRobert Mugabe, muhurongwa hwarongwa nechimwe chekwata chevaimbova varwi muhondo yerusunguko chiri kutungamirwa naAmai Mandi Chimene pamwe purovhinzi yeHarare mubato reZanu PF.

Mushure mekufora kwadzakaita uku dzakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsigira Amai Mugabe, nhengo dzeZanu PF idzi dzanoungana pamuzinda webato radzo pakazotaurwa mashoko nevamwe vevatungamiri vemusangano uyu.

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvichitsoropodza tsvarakadenga yekuSouth Africa, Muzvare Gabriella Engels avo vanonzi vakarohwa naAmai Mugabe masvondo maviri adarika mushure mekunge vavawana vaine vanakomana vavo vaviri Chatunga Bellamine naRobert Mugabe pane imwe hotera iri mumusha wevashoma weSandton muJohannesburg.

Chimwe chezvinyorwa izvi change chakanzi “Engels haasi ngirozi, tinoramba takamira naAmai vedu.”

Vachitaura pagungano iri, Amai Chimene vati havadi kuona munhu anotosvorana naAmai Mugabe vachiti anenge atuka Amai Mugabe, avo vavafananidza naMbuya Nehanda, anenge atukawo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mumashoko anga achiita kunge akanangana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kufungidzirwa kuti vakapihwa chikafu chine muchetura pamusangano wakaitwa naVaMugabe nevechidiki vebato ravo kuGwanda masvondo matatu adarika, Amai Chimene vatiwo vanhu havafanire kuti kana vachinge vakuvadzwa kwavanenge vari vouya vachiti vakuvadzirwa mumusangano.

Amai Chimene vatiwo VaMugabe havasi kuzosiira mudzimai wavo matomhu sezviri kufungidzirwa nevamwe mubato reZanu PF vavanoti vave kusweroti karamata naAmai Mugabe vachivatuka padandemutande, mumisangano yavanoita pamwe nemavanofamba.

Zvichakadaro, vanotungamira boka revechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga vati vanoramba vakamira naAmai Mugabe kusvika zvanaka.

Ataura akamirira boka remadzimai reZanu PF Women’s League, Amai Letina Undenge vati kunyangwe vanhu vakada masimba zvakadai, vakatobvumirana kuti VaMugabe ndivo vachakwikwidza vakamirira bato reZanu PF musarudzo dzegore rinouya vachiti vose vari kuda kutora matomhu kubva kunaVaMugabe vari kurota vachifamba.

MuZanu PF muzvikwata zviviri zviri kurwira kutora matomu kubva kuna VaMugabe. Chimwe chikwata chinonzi chiri kutungamirwa naVaMnangagwa chiri kuzvidaidza kuti Team Lacoste uye chimwe chinonzi chirikutsigira Amai Mugabe chavekuda kuti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaSydney Sekeramai chiri kuzvidaidza kuti Generation 40.

Amai Chimene vatiwo havasi kufara nekuti vamwe vaiva varwi vehondo yerusunuguko vari kudyidzana zvakasimba nechikwata cheZimbabwe National Liberation War Veterans Association icho chinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa.

Vakaratidza kusafarawo nembatya dzinonzi dziri kupfekwa nevamwe vaiva varwi dzine mashoko ari kutsoropodza Amai Mugabe vachiti mapurisa anofanira kusunga vanhu vakadai.

Munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo vati vachanosvitswa zvose zvataurwa nevanhu vafora ava kunaVaMugabe nemudzimai wavo vasina chavatapudza kana kuwedzera.

VaMugabe nemudzimai wavo havana kuuya pachiitiko ichi sezvanga zvakatarisirwa nevazhinji. VaMugabe ndivo vanga vari muyenzi anoremekedzwa pamusangano wevadzidzisi waitwa muno muHarare panguva iyo vatsigiri vebato ravo vanga vachifora.

Hatina kukwanisa kuziva kuti sei Amai Mugabe vasina kuuya kuchiitiko ichi kunge hazvo vanoziva zviri kuitika muZanu PF vati Amai Mugabe vaziviswa kuti vanhu vakafora ava vanga vari vashoma kudarika vanhu vavanga vakatarisira.

Apo vatsigiri veZanu PF vachiratidza rutsigiro rwavo kunaAmai Mugabe, nhengo dzesangano riri kuzvidaidza kuti National Election Reform Agenda kana kuti NERA dzanga dzichiratidzirawo pamuzinda weSouth Africa muno dzichiti hadzisi kufara nedanho rakatorwa neSouth Africa rekuti Amai Mugabe vasasungwe mushure mekurova kwavakaita Muzvare Engels.

Imwe nhengo yeNera, VaDavison Mukushwa, vanoti vamborambidzwa kupinda pamuzinda weSouth Africa asi vazopedzisira vaudzwa kuti vachapihwa mhinduro panhuna dzavo musi weMuvhuro svondo rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG