Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Nyaya yeMDC-T Haisi Ingatongwe Chimbichimbi


Mwonzora
Mwonzora

Dare repamusoro ratura mutongo wekuti nyaya yakakwidzwa kudare neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ichida kuti kunyoreswa kuri kuitwa vanhu sevavhoti kumbomiswa kudzamara komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commssion, ZEC, yarongeka, haifanire kunzwikwa nechimbichimbi.

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court, VaDavison Moses Foroma, vati nyaya inofanira kunzwikwa hayo seimwewo nyaya zvayo.

Gweta ranga rakamirira MDC-T panyaya iyi, VaEric Matinenga, vatsinhira zvaturwa nedare vakatizvave kuMDC-T kuti yotora danho ripi kubva pari zvino zvichienda mberi.

Mudare, VaMatinenga vati kana ZEC ikabvumidzwa kuenderera mberi nekunyoresa vanhu sevavhoti pasina michina yekuchengetedza mashoko kana kuti ma servers zvinoita kuti pave nemukana wekuti sarudzo dzegore rinouya dzibirirwe.

VaMatinenga vati bumbiro remitemo rinopa hurumende masimba ekuona kuti zvose zvinodiwa kuitwa kunyoreswa kwevanhu sevavhoti kusati kwatanga zvaitwa saka nokudaro ZEC inofanira kumbomisa kunyoresa vanhu yozoita izvi kana ichinge yarongeka.

VaMatinenga vaudza dare kuti mutunagmiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaifanira kutanga vatarisa kuti ZEC yarongeka here kuti inyorese vanhu sevavhoti vasati vatara mazuva achanyoreswa vanhu sevavhoti.

Asi gweta ranga rakamirira VaMugabe panyaya iyi, Amai Olivia Zvedi, vati nyaya iyi haifanire kunzwikwa nechimbichimbi sezvo pasina chainoruza MDC-T kana kunyoreswa kuri kuitwa vanhu sevavhoti kukaramba kuchienderera mberi.

Mutongi wedare abvumirana naAmai Zvedi kuti nyaya iyi inogona kuzounzwa zvayo kudare neimwe nguva sezvo ZEC yakabuda pachena kuti kunyoreswa kwevanhu kucharamba kuchienderera mberi kunyange mazuva akatarwa nemutungamiri wenyika adarika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG