Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanorohwa Zvakaipisisa neMapurisa


Mugove Tafirenyika
Mugove Tafirenyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatori venhau vaviri vanoshandira bepanhau reDaily News varohwa zvakaipisisa nemapurisa pavanga vachiita basa ravo vakaitwa kafiramberi zvichitevera kuratidzira kwanga kuchiitwa muHarare nemasangano akawanda anosanganisira Tajamuka.

Vatori venhau vaviri vebepanhau reDaily News vanoti Mugove Tafirenyika na Grighton Goko varohwa zvakaipisisa pavanga vachitora mifananidzo yevanhu vanga vachiratidzira ava pedyo nemahofisi eMDC muHarare.

Vaviri ava, avo vasiyiwa vati rapata vachibvinina ropa mumisoro, vazobatsirwa nevamwe vatori venhau avo vazovaendesa kuchipatara kunorapwa.

Tafirenyika audza Studio7 ari muchipatara kuti angonzwa chinhu chaputitswa nemapurisa akazopepuka akuvara kugotsi ropa razara pambatya dzake.

Tafirenyika aenderera mberi achiti zvose zvazoitika haana kuzozviziva.

Studio7 yaedzawo kutaura naGoko uyo anga achishanda pamwechete naTafirenyika asi akundikana kutaura kuti zvafamba sei sezvo anga achiratidza kuti ari kurwadziwa zvakanyanya.

Goko akuvarawo musoro, ruoko pamwe negumbo uye michina yake yaanoshandisa pabasa inonzi yatorwa nemapurisa.

Sangano rinomirira kodzero dzevatori venhau munyika reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe raburitsa mashoko richishora kuzvindikitwa kwaitwa vatori venhau ava richiti hurumende inofanira kusiya vatori venhau vachiita basa ravo vakasununguka.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa pamusoro pekurohwa kwevatori venhau ava.

Zvichakadai, zvimwe zvitoro zvaswera zvakavharwa zvichitevera kumhanyidzana kwanga kuchiita mapurisa nevaratidziri vanga vachibva kumasangano akasiyana-siyana anga achisanganisira Tajamuka.

Mumwe ane chitoro chinotengesa nharembozha dzechizvino-zvino, Muzvare Talent Muriritirwa, vati vasara vakangobata maoko vabvutirwa nharembozha dzose dzanga dziri muchitoro chavo.

Mumwe wevaratidziri ava, uyo aramba kudomwa zita rake, ati havasi kufara nekushayikwa kwemari mumabhanga pamwe nekushaya simba kwaita mari yema bond notes zvichienzaniswa nemadhora ekuAmerica.

Nokudaro, muratidziri uyu audza Studio7 vasati vatanga kuratidzira kuti gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanofanira kusiya basa zvichitevera kushayikwa kuri kuita mari kumabhanga.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMangudya kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza vanhu kumarinda anoradzikwa magamba enyika neChina kuti kushayikwa kwemari kuri kukonzerwa nevanhu vari kuda kuvabvisa pachigaro.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika panyaya dzemari kwapa kuti hurumende idzike mutemo unorambidza vanhu kutengesa mari pamusika mutema.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG