Accessibility links

Pastor Mawarire Vanoburitswa Muhusungwa

  • Thomas Chiripasi

Mawarire Freed

Dare ramejasitiriti remuHarare raramba kuti Pastor Evan Mawarire vamiswe pamberi pedare vachipomerwa mhosva yavakasungirwa nemusi weSvondo.

Dare rati mapurisa akagara naVaMawarire kudarika nguva inobvumidzwa nemutemo kuti munhu ari kupomerwa mhosva agare mumaoko emapurisa asati aunzwa kudare.

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaElisha Singano, vati VaMawarire vaburitswe muhusungwa mushure mekunge vanonoka kuunzwa kudare nemapurisa pamhosva itsva yavari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kupandukira hurumende zvichitevera vhidhiyo yavakaburitsa neMugovera padandemutande reFacebook mukupera.

VaMawarire vakasungwa vari kumba kwavo neSvondo vakachengetedza nemapurisa.

NeMuvhuro VaMawarire vakamiswa zvakare pamberi pedare vachitongwa nemhosva yekutanga yavanonzi vakapara muna 2016 apo vakakurudzira vanhu kuti varatidzire kusafara nehurumende yaVaMugabe.

Asi VaMawarire vakatarisirwa kudzoka kudare repamusoro neChina pachaenderera mberi nekutongwa kwenyaya yekutanga yavanonzi vakapara gore rapera apo vanonzi vakakurudzira veruzhinji kuratidzira kwakaitwa kwemazuva maviri.

Rimwe gweta rine mukurumbira, VaGarikai Mhishi, vati nyaya dzakadai inyaya dzakakomba zvikuru.

Zvaturwa nedare zvinoreva kuti VaMawarire vanenge votongwa vachibva kumba kwavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG