Vanhu vaviri vakuvara zvikuru uye motokari dzine chitsama kusanganisira yemumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, dzapwanywa mahwindo mushure mekutemwa nematombo nezvidhinha.
Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti zvisinei nekuvimbisa kwavo shanduko kunyanya mune zvematongerwo enyika, VaMnangagwa havana zvakawanda zvavaita pakuvandudza mitemo yakasiyana siyana zvikuru ine chekuita nesarudzo.
Dare repamusoro remuBulawayo ramisa kugadzwa kwaVaBulelani Khumalo saMambo Lobengula mukumutsurudzwa kwehumambo hwerudzi rwemaNdebele kwange kuchida kuitwa muBulawayo.
Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto anonetsana nevagari vemuBulawayo vari kutsigira kugadzwa kwaVa Bulelani Khumalo, samambo werwudzi rweMandevere, muchiitiko chaitikira padare redzimhosva repamusoro muBulawayo.Dare redzimhosva rati kugadzwa kwa Mambo Bulelani Lobengula Khumalo hakusi pamutemo.
Mapurisa nemusi weMuvhuro akasunga vadzidzi vepaNational University of Science and Technology kuBulawayo vane chitsama mushure mekunge varatidzira nekuvharira vanhu kuti vasapinda kana kubuda pachikoro ichi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti kuve nenjanji pamwe nemigwagwa yakanaka kwakakosha zvikuru pakuvandudza hupfumi hwenyika.
Paitika mhirizhonga yambokanganisa musangano waitwa neveNational Peace and Reconciliation Commission, NPRC, neChipiri muBulawayo vamwe vanhu vachigunun’una namamiriro akaita komisheni iyi.
Vanhu vakawanda vabva kunzvimbo dziri kure mumatunhu eMatabeleland kuenda kuBulawayo uko vange vachitakurwa nemabhazi kuenda kuBuhera mudunhu reManicaland, uko mututungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vari kuzovigwa neChipiri.
Vanhu vazadza City Hall muguta reBulawayo nhasi pamunamato wekurangarira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanhu vose vachirumbidza mabasa akaitwa naVaTsvangirai.
Vanhu vanoungana muguta reBulawayo pahurongwa hwekurangarira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashayikira muSouth Africa.
Vamwe vanhu vanoti vacharangarira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, semunhu akarwa hondo huru mukuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Vamwe vagari vakaudza Studio 7 kuti havawirirane nehurongwa uhu nekuti kuwana mvura yakachena ikodzero yevagari isingafanirwe kutyorwa zvisinei kuti vagari vanombotadza kubhadhara mitero yemvura.
Vamwe vemasangano anoshanda akazvimirira ega vanoti mitemo ine chekuita nesarudzo ikasavandudzwa sezvinofanirwa, zvinogona kuita kuti zvichabuda musarudzo zvive zvinoramba kutambirwa.
Vechikwata cheIyasa vachifadza vanhu vauya ku chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota. Vhidhiyo - Taurai Shava.
Vanhu vane chitsama vaungana mumusha weCowdray Park muBulawayo neSvondo vachiona vaimbi vakasiyana-siyana pamwe nekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota pasi pechirongwa chaitwa nemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega.
Vagari vemuBulawayo vati kanzuru yeguta ravo inofanirwa kushandisa mukana wekunzi rakadomwa kuve Special Economic Zone kuti ikwezve vemabhizimisi pamwe nekumutsurudza makambani.
Varwi vehondo yerusununguko pasi peboka reZIPRA votarisira kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzorerwe mapurazi, midziyo pamwe nemahofisi avo zvakatorwa nehurumende.
Nemusi weChishau vanhu vemuBulawayo vakaita musangano wekuzeya nyaya yeGukurahundi iyo yakaitika kubva muna 1982 kusvika panyoreranwa chibvumirano chekubatana kweZanu-PF nePF Zapu muna 1987.
Vatsigiri veZanu PF pamwe nehama neshamwari dzenhengo yeboka rechidiki reZanu PF vaungana muBulawayo nhasi vachionekana nemutumbi waVaMagura Magura Charumbira avo vakashaya nemusi weMuvhuro.
Vamwe vanhu vari kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nehurumende yavo kuti vasadzamba-dzamba panyaya yeGukurahundi, vachiti vanofanirwa kushandisa masimba avo semutungamiri kuona kuti nyaya iyi yagadziriswa zvachose.
Rodhai zvimwe