Accessibility links

Breaking News

Varwi veZIPRA Voisa Tariro kunaVaMnangagwa Kuti Vadzorerwe Midziyo Yavo


Varwi veZIPRA vakapinda mumusangano uyu
Varwi veZIPRA vakapinda mumusangano uyu

Varwi vehondo yerusununguko pasi peboka reZIPRA votarisira kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzorerwe mapurazi, midziyo pamwe nemahofisi avo zvakatorwa nehurumende.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nevamwe vevaive varwi vebato reZAPU, veZIPRA nezuro muBulawayo.

Murongi wemabasa musangano reZIPRA Veterans Association, Amai Tiisang Dale vakaudza Studio 7 mushure memusangano uyu kuti vakabvumirana kuti varwi veZIPRA, vari pamwe nebato reZAPU vanofanirwa kuronga kuona VaMnangagwa nekukasika kuti vazeye nezvezvivakwa pamwe nemapurazi avo.

Amai Dale vakati veZIPRA neveZAPU vakambotaura nezve nyaya nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vaive muhurumende yavo asi hakuna kwayakasvika.

Vakati vave kuisa tariro yekugadziriswa kwenyaya iyi kuna VaMnangagwa vachiti vane chivimbo ichi nekuti mutungamiri wenyika vanoziva zvose pamusoro penyaya iyi.

VeZIPRA neZAPU vakatorerwa zvivakwa zvavo, makambani, midziyo, pamwe nemapurazi mukati memakore mashoma nyika ichangowana kuzvitonga mushure mekunge zvikwata zviviri izvi zvanzi zvaida kupandukira hurumende.

Zvimwe zvezvivakwa nemapurazi aya zvine mukurumbira zvinosanganisira Magnet House iri muguta reBulawayo iyo iri kushandiswa semahofisi evasori pamwe neSnake Park iri kunze kweguta reHarare.

Amai Dale vakatiwo imwe nyaya iri kunetsa yavanoda kukwidza kumutungamiri wenyika inyaya yekutambura kuri kuita vaive varwi veZIPRA vechidzimai, kunyanya avo vakafirwa nevarume avo vavakati vari kutadza kuriritira mhuri dzavo nekuti havawane mari yemudyandigere seinopiwa vamwe varwi vehondo yerusununguko.

Mumwe murwi weZIPRA Retired Colonel Baster Magwizi vanotiwo zvakakosha kuti zvibudiswe pachena kuti sangano reZIPRA harisisiri sangano rechitororo sezvaraideedzwa richiitwa pasi pehurumende yevachena.

Rtd Col. Magwizi vakatiwo kune varwi veZIPRA vakawanda vasina kuongororwa kuti vagowana mari yemudyandigere sezvaifanirwa kuitwa, vachiti hururmende inofanirwa kubuda pachena ichitaura kuti yakaregerera vanhu ava mhosva dzavaipomerwa.

Mutauriri webato reZAPU VaIphithule Maphosa vanoti hapana ibvi kana mupimbira pakati pebato ravo nevaive varwi veZIPRA vachiti vachaita mushandirapamwe panyaya yekuti zvivakwa pamwe nemapurazi avo zvidzorerwe kwavari sezvakafanira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG