Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Kukurukurwa kweNyaya dzeGukurahundi


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Nemusi weChishau vanhu vemuBulawayo vakaita musangano wekuzeya nyaya yeGukurahundi iyo yakaitika kubva muna 1982 kusvika panyoreranwa chibvumirano chekubatana kweZanu-PF nePF Zapu muna 1987.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvakafa kuMidlands neMatabelaland munguva iyi.

Vane hama dzakaurayiwa munguva iyi zvikuru nevanofungidzirwa kuti mauto eFifth Bridage vanoti nyaya iyi inofanira kugadziriswa vopihwa muripo kana zvichibvira.

VaDumiso Dabengwa, vanove mutungamiri webato reZAPU uye vari mumwe wevatungamiri vabato iri vakashungurudzwa zvikuru panguva iyi, vakati Gukurahundi yakatangwa nehurumende yaVaRobert Mugabe nechinangwa chekuda kuti munyika musave nebato raipikisa.

VaDabengwa vakati mutungamiri wenyika VaEmmerson Dabengwa ndemumwe wevanhu vanonyatsoziva zvose zvakaitika panguva yeGukurahundi vakati zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya iyi zvachose.

Muzvinafundo Martin Rupiya avo vakataurawo pamusangano uyu vakatiwo zvakakosha kuti nyaya yeGukurahundi itaurwe nezvayo vakapa muenzaniso wedzimwe nyika dzemuAfrica dzakadai seTogo neEthiopia uko vakati kuri kuitwa nhaurirano dzekuedza kuunza runyararo mushure mekusawirirana kwakamboitika munyika idzi.

VaRupiya vakaudza Studio 7 kuti vanoona kusainwa kwemutemo weNational Peace and Reconciliation Commission Act kuchibatsira zvikuru kuti nyaya iyi igadziriswe.

Vamwe vanhu vaive pamusangano uyu vakati kunyange hazvo mutemo weNPRC Act wavepo, vanotyira kuti hurumende yeZanu PF inogona kusave nehany’a nekugadzirisa nyaya yeGukurahundi sezvange zvichingoitika kwemakore ose apfuura.

Asi VaRupiya vakati vanhu vanofanirwa kupa hurumende yaVaMnangagwa mukana.

Reverend Motsi veZimbabwe Christian Alliance vachishandawo nesangano reNational Transitional Justice Working Group vakatiwo havangakwanise kutaura kuti hurumende ichakwanisa here kana kuti kwete kugadzirisa nyaya iyi. Asi vakati vanotambira kuvepo kwemutemo weNPRC sedanho rakakosha.

Musangano uyu wakapindwa nevanhu vakawanda zvikuru kusanganisira vamwe vakabatwa nenyaya yeGukurahundi, varwiri vekodzero dzevanhu pamwe nevanhuwo zvavo.

Pakamboitika mhirizhonga pamusangano uyu kwenguva kadiki mushure mekunge mumwe musikana wechidiki uyo akangozviti MaSibanda akataura mashoko ekuti vanhu havafanirwe kukoshesa kuuraiwa kwevanhu panguva yeGukurahundi chete pasingataurwe kuuraiwa kwakaitwa vanhu nehurumende yevaChena panguva yehondo muRhodesia.

Mhirizhonga iyi yakazopera musangano ukaenderera mberi mushure mekunge musikana uyu abudiswa mumusangano uyu.

VaConte Mhlanga avo vane mukurumbira mukugadzira mitambo yedrama netelevision vakaudza musangano uyu kuti misangano yakadai haina zvainonyanyobatsira kana ichiitwa pakati pevanhu chete pasina vehurumende vanenge vachinzwa zvichemo zvevanhu.

Asi gweta VaAlec Muchadehama vakaudza Studio 7 kuti misangano yakadai yakakosha uye inofanirwa kuitwa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kuitira kuti vanhu vanyatsonzwisisa nyaya yeGukurahundi.

VaMuchadehama vakatiwo vanhu havafanirwe kushushikana kuti chii chingaitwa kana hurumende ikasada kugadzirisa nyaya yeGukurahundi vachiti bumbiro remutemo wenyika rinopa vanhu kodzero dzinoita kuti vakwanise kuudza hurumende zvavanoda kuti zviitwe panyaya dzakakosha seiyi.

Musangano wanezuro wakarongwa nesangano reSouthern Africa Political Economy Series, SAPES, pamwe neWomen’s Institute for Leadership Development kana kuti WILD.

Mumwe musangano wakadai wakaitwa mazuva mashoma apfuura muHarare uye veSAPES vanoti vane chinangwa chekuita mimwe misangano yakadai senzira yekukurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya yeGukurahundi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kune mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi avo vakanzi vaone nezvenyaya iyi muhurumende.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG