Accessibility links

Breaking News

Matare Omisa Kugadzwa kwaMambo weMandevere


Ndebele King Preps
Ndebele King Preps

Dare repamusoro remuBulawayo ramisa kugadzwa kwaVaBulelani Khumalo saMambo Lobengula mukumutsurudzwa kwehumambo hwerudzi rwemaNdebele kwange kuchida kuitwa muBulawayo.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga vashandisa hutsi hunokachidza kuti vadzinge vanhu vange vachiimba vari panze peHigh Court vakamirira kunzwa kuti dare iri rinoti kudii panyaya yange yakwidzwa zvechimbi-chimbi pamusoro pekugadzwa kwashe uyu.

Mutauriri we Royal Crown Trust, VaEffie Ncube, vaudza Studio7 kuti mutongi wedare, VaMartin Makonese, vati kugadzwa kwaVaKhumalo hakufanirwe kuenderera mberi sezvo kuve naMambo wemaNdebele kuri kunze kwemitemo yenyika.

Vati havasati vaziva kuti vachakwira kudare reSupreme Court here kana kuti kwete kuti vapikise zvaturwa nedare reHigh Court.

Nemusi weChitatu gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vakazivisa kuti kugadzwa kwamambo uku kwaisafanirwa kuenderera mberi.

Panguva dzekuma 10 neMugovera makurukota ehurumende anosanganisira VaMoyo negurukota rezvemukati menyika, VaObert Mpofu, mukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, nemamwe madzishe emumatunhu eMatabeleland vange vambosangana kuti vazeye nezvenyaya iyi.

VaMoyo vati musangano uyu wanga uri wekuda kutsanangurira madzishe nezvedanho rehurumende asi vati hauna kuzoenderera mberi nekuda kwekuti nyaya iyi yange yakwidzwa kudare.

VaMthandazo Ndlovu vati havazi kufara nekupindira kwehurumende munyaya yehumambo hwemaNdebele.

Pane makakatanwa agara aripo panyaya yehumambo hwemaNdebele.

Gore rakapera VaRaphael Tshuma Khumalo vakazviti ndivo Mambo Mzilikazi II.

Masvondo maviri apfuura, VaPeter Zwide Khumalo, vakazvigadzawo saMambo.

Ukuwo neMugovera, VaBulelani Khumalo, vange vachida kugadzwa saMambo zvekare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG