Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Yorangarira VaTsvangirai


Bulawayo remembers Tsvangirai
Bulawayo remembers Tsvangirai

Vanhu vazadza City Hall muguta reBulawayo neMugovera pamunamato wekurangarira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanhu vose vachirumbidza mabasa akaitwa naVaTsvangirai.

Vanhu vaungana pamunamato wekurangarira VaTsvangirai varumbidza zvikuru mabasa akaitwa nemufi mukurwira hutongo hwejechetere.

Mutungamiri weZimbabwe National Students Union paNUST, Va Pashor Raphael Sibanda, vati vadzidzi vanorangarira mufi semunhu akaita kuti vawane kodzero yekukwanisa kutaura matambudziko anosangana nevadzidzi.

Kanzura uye vari sachigaro wevechidiki muMDC T mudunhu reBulawayo, VaMalandu Ncube, vati VaTsvangirai munhu aikoshesa kuti vechidiki vapinde muzvigaro zvehutungamiri.

Vatiwo VaTsvangirai vakafa vachirwira kuti vemapato anopikisa vaite mushandirapamwe pakubvisa hutongi hweZanu PF vakatiwo zvakakosha kuti shuviro yavo iyi izadzikiswe.

Mumiriri weBulawayo Metropolitan webato reMDC mudare reparamende, Amai Jasmine Toffa, vatiwo rusununguko rwechokwadi rwuchauya chete kana bato reZanu PF rabviswa pahutongi.

Mumwe mutsigiri weMDC T, VaCrushmore Sibanda, vati shuviro yavo yange iri yekuti vasati vavigwa, mutumbi waVaTsvangirai dai waendeswa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kuti veruzhinji vakwanise kuwonekana negamba ravo.

Vamwe vange vari panyaradzo iyi vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube, nhengo dzeMDC dzinoti Va Eddie Cross, VaDavid Coltart nevamwe.

VaTsvangirai vachavigwa kumusha kwavo kuBuhera mudunhu reManicaland nemusim weChipiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG