Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vepaNUST Makumi Matanhatu neMumwe Vosungwa Mushure Mekuratidzira


Nust University

Mapurisa nemusi weMuvhuro akasunga vadzidzi vepaNational University of Science and Technology kuBulawayo vane chitsama mushure mekunge varatidzira nekuvharira vanhu kuti vasapinda kana kubuda pachikoro ichi.

Zvinonzi pane vadzidzi makumi matanhatu nemumwe vakasungwa mushure mekuratidzira uku.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga ayo ange aaine motokari dzinodira vanenge vachiratidzira mvura kana kuti mawater canon, imbwa pamwe nezvombo zvinosanganisira hutsi hunokachidza, amhanyisana nevadzidzi ava kubva nguva dzekuma 10 mangwanani kusvika panguva dzekudya kwemasikati vamwe vevadzidzi ava vakasungwa.

Dennis Mwashita anove munyori weZimbabwe National Students Union audza Studio 7 kuti vadzidzisi vange varatidzira senzira yekuratidza kusafara kwavo nekuda kwekutadza kudzidza zvisinei kuti vakavhura chikoro masvondo mana apfuura.

Dennis ati vadzidzi vange vachiratidzira murunyararo achipomera mapurisa mhosva yekutanga mhirizhonga.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi. Munguva pfupi yapfuura NUST yakaendesa vadzidzisi vayo kudare reLabour Court mushure mekunge varamwa mabasa vachiti havasi kufara nemashandiro avo.

Asi mushure memusangano wakaitwa pakati pevakuru-vakuru veNUST pamwe nevamiriri vevadzidzisi, mutauriri weNUST VaFelix Moyo vakati vadzidzisi vabvuma kudzoka kubasa.

Vamiriri vevadzidzisi vapinda mumusangano uyu vati vange vasina chekutaura kuStudio 7 pamusoro pezvavabvumirana nevakuru vakuru veNUST. Asi VaMoyo vati NUST haichaendereri nenyaya yayaive vakakwidza kudare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG