Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yosvibisa Zita reMDC-T


VaWitness Dube
VaWitness Dube

Paitika mhirizhonga inotyisa vamwe vanhu vakakuvara pamahofisi eMDC T muBulawayo apo makakatanwa ehutumngamiri hwebato iri ari kuenderera mberi mubato iri.

Vanhu vaviri vakuvara zvikuru uye motokari dzine chitsama kusanganisira yemumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, dzapwanywa mahwindo mushure mekutemwa nematombo nezvidhinha.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga azosvika pamahofisi aya mhirizhonga iyi yapera.

Zvikwata zviri zviri muMDC-T zviri kunakurirana nyoka mhenyu panyaya iyi.

Chikwata chiri kutsira VaNelson Chamisa chinoti change chine hurongwa hwekuzeya nyaya dzesarudzo dzema primaries, kunyange hazvo humwe hutungamiri hwebato huchinzi hwanga hwaenda kumusangano weMDC Alliance kuChinhoyi.

Chikwata chiri kutsigira Muzvare Khupe chinoti change chiinewo hurongwa hwekuzeya kusagadzikana kuri mubato, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.

Musangano uyu unonzi wanga uchipindwawo nevakuru vakuru vanosanganisira Muzvare Khupe, murongi wemisangano mubato, VaAbednico Bhebhe, mutauriri webato, VaObert Gutu, nevamwe.

VaGutu vakambomiswa kutaura vakamirira bato kudzamara nyaya dzavari kupomerwa dzapera kutongwa nebato.

Asi VaGutu vanoti ndivo vachiri mutauriri webato, uye kumiswa kwavakaitwa basa, hakusi pamutemo.

Mukurwisana kwaitika, Muzvare Khupe vakuvadzwa, kusanganidirawo mubatsiri wavo, VaWitness Dube.

VaDube vaudza Studio7 parunhare kuti pavasvika pamahofisi, vawana gedhi hombe rakavharwa, izvo zvaita kuti vatadze kupinda mukati. Asi vati gedhe diki rinopindwa naro nevanhu vetsoka ranga rakavhurwa.

Vanoti vari panze pegedhi kudaro, ndipo vatanga kurwiswa nevanhu vavadoma nemazita avo.

Studio7 haina kukwanisa kubata vanhu vadomwa naVaDube sezvo vanga vasingadaire nharembozha dzavo.

Asi mumwe mutsigiri weMDC-T asina kuda kudomwa sezvo achityira hupenyu hwake, anoti audzwa kuti VaBhebhe vane chekuita nemhirizhonga iyi.

Asi VaBhebhe varamba mashoko aya vachiti ndivo vange vadeedzera musangano uyu kuti vazeye nevatsigiri vebato ravo nezvemakakatanwa ari kuitika mubato iri.

VaBhebhe vati vamhang'ara nyaya iyi kumapurisa vakatiwo vanhu vaviri vakuvara zvikuru ndiVa Dube maMuzvare Khupe, avo vaendeswa kuchipatara.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Studio7 hainawo kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chemutauriri webato, Muzvare Tabitha Khumalo, avo vanzi vari muchipatara sezvo vasiri kunzwa zvakanaka.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti chokwadi chaicho chava kunetsa kubuda muMDC-T nepamusana pemakakatanwa arimo.

Asi dzinotiwo zvinoshamisa ndezvekuti seyi vamwe vakuru vakuru muBulawayo vasina kuenda kumusangano wekuronga zvesarudzo, vachisarudza kuenda kuChinhoyi.

MuMDC T muri kuita makakatanwa ekuti ndiani wotungamira bato iri mushure mekushaya kwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

VaChamisa vanoti ndivo mutungamiri webato iri mushure mekudomwa neNational Council yebato iri.

Asi Muzvare Khupe vanoti zvakaitwa izvi hazvisi pamutemo uye ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato sezvo vari ivo vakasarudzwa semutevedzeri waVaTsvangirai pakongiresi yakaitwa mugore ra2014.

National Council yakapa Muzvare Khupe, VaBhebhe pamwe naVaLovemore Moyo mazuva manomwe kuti vasangane naVaChamisa vagadzirisane makakatanwa avo.

Muzvare Khupe, VaBhebhe, VaGutu pamwe naVaMoyo ndevamwe vevakuru vakuru vari MDC T vasiri kuwirirana nenyaya yemubatanidzwa pakati peMDC T nemamwe mapato.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG