Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okwezva Vanhu Kunonyoresa kuVhota Kuburikidza neMimhanzi


Mamwe emashoko ekukurudzira veruzhinji kuti vanyorese kuvhota

Vanhu vane chitsama vaungana mumusha weCowdray Park muBulawayo neSvondo vachiona vaimbi vakasiyana-siyana pamwe nekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota pasi pechirongwa chaitwa nemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega.

Masangano aya anga achishanda nesangano reZimbabwe Electoral Commission mukuedza kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzichaitwa gore rino.

Vamwe vevanhu ava, vanosanganisira vechidiki, vange vachinyoresa kuti vagokwanisa kuvhota kekutanga muhupenyu hwavo. Mumwe wevanhu vakadaro ndiKindness Mukume uyo ati ange asati awana mukana wekunyoresa achitiwo azokwezvwa kuuya kuzonyoresa nenyaya yekuti anga auya kuzoona vamwe vevaimbi vange varipo sezvo achifarira zvemumhanzi.

Mumwezve wechidiki Muzvare Shamiso Ncube, avo vane makore makumi maviri nemana ekuberekwa, ndemumwe wevanyoresawo kuti vagokwanisa kuvhota pachiitiko ichi, vachiti vange vasati vanyoresa nekuti vange vave nekanguva vari kuSouth Africa.

VaTawanda Chimhini vanove mukuru wesangano reElection Resource Centre, rinove rimwe remasangano ange ari muchirongwa ichi, vati vakatanga kushandisa chirongwa chekushandisa vaimbi kuedza kukwezva vanhu kuti vanyorese kuvhota kubvira gore rapera.

Vati chirongwa ichi vari kuchiita senzira yekuedza kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota, kunyanya munzvimbo dzine vanhu vashoma vari kuita izvi.

VaChimhini vatiwo kunyange hazvo chirongwa cheMop-Up chave kupera, chirongwa chekuedza kukwezva vanhu ichi chinobatsira sezvo kunyoreswa kwevanhu kucharamba kuchienderera mberi kusvika kumazuva gumi nemaviri mushure mekunge zuva rekuvhota ratarwa zviri pamutemo.

Mukuru wezvesarudzo mudunhu reBulawayo Amai Sithembiso Khupe vati chirongwa chanhasi chavabatsira zvikuru pakusimudzira huwandu hwevanhu vauya kuzonyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Chirongwa cheBVR Mop-Up, icho chakatanga musi wa10 Ndira, chinotarisirwa kupera nemusi weChina 8 Kukadzi.

Dunhu reBulawayo ndiro rine vanhu vashoma vanyoresa pamatunhu ose ari munyika. Vanhu zvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana ndivo vanyoresa kusvika pari zvino mudunhu iri.

Vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri ndivo vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota munyika mose kusvika pari zvino. ZEC inoti yakanga yakatarisira kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG