Accessibility links

Breaking News

NRZ Yomutsurudza Mashandiro Ayo


Emmerson Mnangagwa NRZ Launch
Emmerson Mnangagwa NRZ Launch

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti kuve nenjanji pamwe nemigwagwa yakanaka kwakakosha zvikuru pakuvandudza hupfumi hwenyika.

Vachitaura pakukumikidza misoro pamwe nematiroko yezvitima nemimwe midziyo yekambani yeNational Railways of Zimbabwe muBulawayo, VaMnangagwa vati kutakurwa kwezvinhu munyika iri kure negungwa seZimbabwe kunowanzodhura chinove chinhu chinogona kukanaganisa kusimukira kwehupfumi.

VaMnangagwa vati sezvo hurumende yavo iri kukoshesa kuudza pasi rose kuti Zimbabwe inyika yakazvipira kutambira vanoda kuvhura mabhizimisi muno, hazvibatsire kungotaura izvi pasina zvinooneka zvinoratidza kuti chokwadi Zimbabwe inyika yakazvipira kuita izvi.

VaMnangagwa vatiwo kumutsurudzwa kwenjanji nezvitima kuchabatsira kuti vemabhizimisi vasashandise migwagwa kutakura zvinhu sezvo izvi zvichiwedzera tsaona dzemumigwagwa.

Mumwedzi mishoma yapfuura hururmende yakabvumidza kambani yeNRZ kuti ipinde muchibvumirano chemamiriyoni mazana mana emadhora nekambani yeDiaspora Infrastructure Development Group ichishanda pamwe nekambani yekuSouth Africa yeTransnet mukumutsurudza kambani iyi.

Pari zvino NRZ yapiwa misoro yezvitima minomwe yakanhadzurudzwa, matiroko zana nemakumi mashanu anotakura zvinhu, uye matiroko mashanu anotakura vanhu, pamwe nemimwewo midziyo.

Sachigaro webhodhi reNRZ, VaLarry Mavhima, vati zvinhu izvi zviri kunze kwechibvumirano chakaitwa neNRZ neveDIDG pamwe neTransnet asi zvakaunzwa nemakambani maviri aya senzira yekumutsurudza NRZ pari zvino kusvika chibvumirano chacho chaicho chatanga kushanda mukati memwedzi mishoma iri kutevera.

Pasi pechibvumirano ichi NRZ ichawana misoro yezvitima pamwe nematiroko zvitsva.

Mutevedzeri wasachigaro wekambani yeDIDG, VaDonovan Chimhandamba, vati ivo sechizvarwa cheZimbabwe chiri kushanda chiri kunze kwenyika, vari kufara kuti vawana mukana wekubatsira kumutsurudza hupfumi hwenyika yavo yechizvarwa.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Grain Millers Association, VaTafadzwa Musarara, vati kuti kumutsurudzwa kwekambai yeNRZ kwakakosha sezvo Zimbabwe ine zvinhu zvakawanda zvainotenga kubva kunze zvinoda kutakurwa nenjanji.

Muongorori wezvemitemo yehupfumi vachishanda vakazvimirira vega, VaButler Tambo, vatsinhirawo kukosha kwakaita kumutsurudzwa kwekambani yeNRZ nekuve nemisoro yezvitima pamwe nematiroko anotakura vanhu nezvinhu kwakakosha.

Asi vati panofanirwa kukosheswawo kugadziridzwa kwenjanji pamwe nekuwedzerwa kwayo.

Vamwe vashandi veNRZ vaudza Studio 7 kuti vari kufara nechiitiko ichi vachiti vanofunga kuti zvichamutsurudza kambani yavo.

VaAlfonce Mukashuri vati chiitiko ichi pamwe nekutaura kwaita VaMnangagwa kuti vanoziva nezvekutambura kwevashandi veNRZ kunovaita kuti vave netariro yekuti matambudziko avo ave kuzopera.

Kambani yeNRZ ndeimwe yemakambani aive makuru munyika iine vashandi vaisvika zviuru makumi maviri ichitakura zvinhu zvine huremu hunosvika matani mamiriyoni gumi nemasere pagore.

Asi nekuda kwematambudziko akasiyana-siyana pari zvino kambani iyi iri kutatarika uye iri kutakura zvinhu zvine huremu hunosvika matani mamiriyoni matatu chete pagore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG