Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Kubva kuMatabeleland Voperekedza Mutumbi waVaTsvangirai kuBuhera


Nhengo dzeMDC-T kuMatabeleland dzakamirira mabhazi kuenda kuBuhera kunoviga VaTsvangirai
Nhengo dzeMDC-T kuMatabeleland dzakamirira mabhazi kuenda kuBuhera kunoviga VaTsvangirai

Vanhu vakawanda vabva kunzvimbo dziri kure mumatunhu eMatabeleland nhasi kuenda kuBulawayo uko vange vachitakurwa nemabhazi kuenda kuBuhera mudunhu reManicaland, uko mututungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vari kuzovigwa neChipiri.

Vamwe vevanhu ava vati vaona zvakakosha kuti vange varipo pakuvigwa kwaVaTsvangirai sezvo vange vari mutungamiri wavo wavaida nenzira isingakwanisike kutsanangurika.

Muzvare Sibusisiwe Adams vanove mutevedzeri wemunyori mubato reMDC T mudunhu reBulawayo vaudza Studio 7 kuti zvisineyi kuti kuBuhera kure zvakadii, vanhu vabva kunzvimbo dzakadai seBinga neBeitbridge kuti vaende kunoviga VaTsvangirai semucherechedzo wekuremekedza gamba ravo.

Amai Thandazani Mhlanga vanove mugari wemuBulawayo, vatiwo ivo semunhu aitevera nekutsigira VaTsvangirai zvikuru, mwoyo wavo uchagadzikana pakurwadziwa kwavari kuita nekufa kwaVaTsvangirai kana vakave pakuvigwa kwavo.

Murongi wemabasa musangano reMDC Veteran Activists Association, VaKumbulani Sibanda, vatsinhirawo kuti vanhu vabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana kuti vaende kunoviga VaTsvangirai vachiti kuita izvi kwakakodzera sezvo iri iyo nzira yavanokwanisa kuratidza nayo ruremekedzo rwavo kuna VaTsvangirai.

VaTsvangirai, avo vakashaya nemusi weChitatu kuSouth Africa mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara, vari kuvigwa kumusha kwavo kuBuhera neChipiri.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG