Vamwe vemasangano anoshanda akazvimirira ega vanoti mitemo ine chekuita nesarudzo ikasavandudzwa sezvinofanirwa, zvinogona kuita kuti zvichabuda musarudzo zvive zvinoramba kutambirwa.
Mumashoko avatura kuvatori venhau muBulawayo nhasi, vakuru vemasangano aya anosanganisira Election Resource Centre, Heal Zimbabwe Trust, Women’s Institute for Leadership pamwe neZimbabwe Christian Alliance vati vari kushushikana nematambudziko akasiyana-siyana avari kuwona ari kuita kuti vanhu vatadze kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dziri kutarisirwa gore rino.
Matambudziko aya anonzi anosanganisira kushaya magwaro ekuzvarwa, kusashanda zvakanaka kweveZimbabwe Electoral Commission kunosanganisira kusashambadza kwavo zvakakwana zvinodiwa pakunyoresa kuvhota, uyewo kutyisidzirwa kwevanhu.
Mukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vati kunze kwekuda kuti matambudziko aya agadziriswe nekukasika, zvakakoshawo kuti hurumende igadzirise mitemo ine chekuita nesarudzo nekukasika kuitira kuti pasazove nemakakatanwa ezvichabuda musarudzo kana dzaitwa.
VaChimhini vatiwo masangano akazvimirira ega anoshushikana nekusashanda zvakanaka kwevashandi veboka raRegistrar General, avo vavati mashandiro avo anoita sezvinonzi vane chinangwa chekuti vamwe vanhu vasakwanisa kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota. Vati sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaura kuti vanoda kuti sarudzo dzive dzakachena, zvakakosha kuti mapazi ose ehurumende ane chekuita nesarudzo aite zvose zvinobatsira kuti izvi zviitike.
Amai Samukeliso Khumalo vanove mukuru wesangano reWomen’s Institute for Leadership Development, vati vemasangano akazvimirira ega vanoshushikanawo nenyaya yekuti huwandu hwevanhu vari mumatunhu eMatabeleland haunyatsojekeswa, vachiti zvakakosha kuti kunyatsoitwa ongororo yekuti mumatunhu umu mune vanhu vangani kuitira kuti pasave nekufungira zvisizvo panyaya iyi.
Amai Khumalo vati vechidiki vabva zera havafanirwe kuve nepfungwa dzekuda kusundidzirwa kuti vade kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota, asi kuti vanofanirwa kuziva kuti kuita izvi ikodzero yavo ine chekuita nekuti ramangwana ravo richange rakamira sei.
Vatiwo senzira yekubatsira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, sangano ravo rinoda kuwona vanhukadzi vakawanda vachikwikwidzawo pazvinzvimbo zvakasiyana-siyana zvematongerwo enyika, kwete kuti vangove vanhu vanovhota chete.
Panyaya yekutyisidzirwa kwevanhu, VaRashid Mahiya, vanove mukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust, vati zvisineyi nekuti vanhu vemuZimbabwe vane mbiri yekuve vakadzidza, sangano ravo riri kusangana nevanhu vakawanda kunyanya kumaruwa, vari kuudzwa zvemanyepo pamusoro pekunyoreswa kwevanhu kuchishandiswa michina yeBVR.
Vati zvisineyi nekutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu kune dzimwe nzvimbo, veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti hapana munhu anokwanisa kuziva kuti mumwe munhu avhotera bato ripi sezvo izvi zvichiitwa muchivande.
Pari zvino vanhu munyika vari kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota pasi pechirongwa cheBVR mop-up icho chakatanga musi wa10 Ndira uye chichitarisirwa kupera musi wa8 Kukadzi, unove musi weChina svondo rino.
Pasi pemitemo yenyika vanhu vanokwanisa kuramba vachinyoresa kuvhota kwemazuva gumi nemaviri mushure mekunge zuva rekuvhota ratarwa zviri pamutemo.
Facebook Forum