Izvi zvinotevera mangange 0-0 akaita chikwata ichi neComoros, Zimbabwe ndokubudirira sezvo yakakunda Comoros 2-0 iri pamba.
Chikwata cheHighlanders hachisati chakunda Dynamos pamakore masère apfuura.
Vatsigiri venhabvu vari kufara zvikuru zvichitevera kukunda kwakaita chikwata chemaWarriors Comoros 2-0 muRufaro Stadium mumakwikwi ekuenda kuma2016 Africa Nations Championships.
Mureza weZimbabwe munhabvu wakasimudzwa mudenga neMugovera apo maWarriors akarovaMalawi pamusha payo 2-1.
Chikwata cheChiecken Inn chiri kuenderera mberi nekutungamira mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League mushure mekukunda Chapungu 2-1.
Hupenyu hweshamwari dzevari kusiya basa semutungamiri we FIFA, Va Joseph Sepp Blatter, hwarembera netambo muZimbabwe mushure mekuregedza basa kweshamwari yavo.
Vateveri venhabvu vanoti vava kuisa tarisiro yavo kumaYoung Warriors nemaMighty Warriors sezvo nzira yemaWarriors yasvika mukuguma kuCosafa.
VaDube vakadzingwa basa neMugovera mushure memusangano weZifa Council iyo yakatenderana kuti VaDube vari kutadza kutungamira sezvavakasarudzirwa kuita.
Murairidzi wechikwata chemaWarriors, Kalisto Pasuwa, ari kuchema nenguva pfupi yegadziriro iyo akapihwa murwendo rwake rweCosafa Senior Challenge.
Iyi ndiyo nyaya iri pamuromo pemunhu wese anotevera mitambo yetsiva munyika kusanganisirawo vasingafarire zvetsiva.
Chikwata cheCaps United chatarisana nemimwe miyedzo yemari apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kusvika mumitambo mitanhatu.
Chikwata chemaMighty Warriors chatarisana nekunyora nhoroondo itsva mumagwaro emitambo ye All Africa Games apo chiri kusangana nemaBlack Queens ekuGhana muRufaro Stadium neSvondo.
Vateveri venhabvu vabuda muNational Sports Stadium vachigunun’una neMuvhuro masikati mushure memutambo weCaps United neDynamos uyo wapera ari mangange.
Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer, che Dynamos, chave pamusoro soro pamakundano aya zvichitevera kukunda kwachakaita mukupera kwesvondo.
Masangano anomirira vagari vemu Harare abatana nemamwe masangano anomirira vashandi pamwe nevechidiki kuramba hurongwa hwekanzuru ye Harare hwekuti veruzhinji vatange vabhadhara mvura vasati vaishandisa.
Mutambi wemuZimbabwe uyo anorwira kuZambia, Charles Manyuchi, ari kupinda munhandare yeGovernment Complex muLusaka, Zambia, neMugovera achidzivirira mukombe wake weWorld Boxing Council International wehuremu hwe welterweight.
MuHarare hamusi kudaidzwa anonzwa nemufaro sezvo vanhu vari kufarira kukunda kwakaita Dynamos chikwata cheBuffaloes 3-0 mumutambo wavo wekutanga mumakundano ePremier Soccer League egore rino.
Kunyange hazvo mitambo yenhabvu yatanga neChishanu pakati peHarare City nechikwata chitsva cheTsholotsho Pirates, makundano e2015Castle Lager Premier Soccer League ari kuparurwa zviri pamutemo mangwana sezvakatarwa nePremier Soccer League.
Dynamos yave kuzosangana neHighlanders mufainari yemukombe uyu mushure mekunge Highlanders yarovawo How Mine 1-0 nechibodzwa chakabva kuna Thomas Chideu.
Kubva kumutambo wekiriketi we World Cup kusvika kumutambo weBob 91 Super Cup, tichidarika nemumutambo weDavis Cup Euro-Africa Zone Group Two, vateveri vemitambo muZimbabwe vatarisana nemachikichori emitambo svondo rino.
Rodhai zvimwe