Accessibility links

Breaking News

Makwikwi e2015 Castle Lager Premier League Anotanga muZimbabwe


Kunyange hazvo mitambo yenhabvu yatanga neChishanu pakati peHarare City nechikwata chitsva cheTsholotsho Pirates, makundano e2015Castle Lager Premier Soccer League ari kuparurwa zviri pamutemo mangwana sezvakatarwa nePremier Soccer League.

Harare City yarohwa 1-0 iri pamba payo.

Zvikwata zvitatu zvese zvine mukurumbira, Caps United, Dynamos, neHighlanders, zvave nevarairidzi vatsva panguva imwe cheteyo mhuri yePremier Soccer League yavewo nezvikwata zvina zvitsva Flame Lilly, Hwahwa Prisons, Tsholotsho Pirates, pamwe neDongo Sawmills.

Dynamos ndiyo ine mukombe uyu mushure mekukunda ZPC Kariba nepoindi imwe chete. Dynamos yakapedza iine mapoinzi makumi mashanu nemanomwe, ZPC Kariba ikapedza iine mapoinzi makumi mashanu nematanhatu.

Murairidzi akatora mukombe uyu uneDynamos, Kalisto Pasuwa, akaregedza basa. Panzvimbo yake pave naDavid Mandigora asi vanotevera chikwata ichi vachiri kutarisira kutora mukombe uyu zvekare

Asi vatsigiri veZPC Kariba vanoti kuDynamos zvakwana zvakwana.

Chimwe chikwata chiri kutarisira kumisa chitima cheDynamos iHarare City. Chikwata ichi chakabuditsa mazimari mazhinji chichitenga vatambi vakaita saDennis Dauda uyo akatora mukombe weCastle Lager Soccer Star of the Year apo aitambira ZPC Kariba.

Pamusoro pezvo, yakatenga zvekare Tendai Samanja kubva kuCaps United.

Samanja akasarudzwa kuve pavatambi gumi nemumwechete avo vakarura gore rapera.

Murairidzi weHarare City, Taurayi Mangwiro, uyo airairidza Caps United gore rapera, anoti pane zvichiri kuda kugadziriswa.

Muongorori wezvemutambo, VaFarai Musengezi, vanoti makundano egore rino akaoma kudoma chikwata chichatora mukombe uyu.

Vakawanda vari kuona sekunge Caps United, Dynamos, Highlanders, neHarare City ndizvo zvikwata zvicharwira mukombe mukuru uyu gore rino.

Asi mitambo yekutanga iriko yekutanga iyi ndiyo ichatiratidza kuti mukombe uyu ungangonanga kupi.

XS
SM
MD
LG