Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yokwikwidza muCosafa Senior Challenge.


zimbabwe warriors
zimbabwe warriors

Murairidzi wechikwata chemaWarriors, Kalisto Pasuwa, ari kuchema nenguva pfupi yegadziriro iyo akapihwa murwendo rwake rweCosafa Senior Challenge.

MaWarriors akagadzirira kwemazuva matatu chete vasati vasimuka kuenda kumakundano eCosafa ayo ari kuitwa muSouth Africa kubva musi wa 17 kusvika 23 Chivabvu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, anoti haasi kufara negadziriro iyi sezvo aida mazuva akati wandei kuti vatambi vake vajairirane matambiro avo sezvo vachibva kuzvikwata zvakasiyana siyana.

Mumwe muteveri wenhabvu, VaMisheck Chisaga, vanoti havasisina tariro nechikwata ichi nenyaya yekusarongeka kwegadziriro.

Muchikamu chekutanga Zimbabwe iri kusangana nezvikwata zvisinganyanyotyisa zvinoti Mauritius, Namibia ne Seychelles.

Asi Pasuwa haasi kudherera zvikwata izvi achiti iye nhabvu yasanduka pasi rose.

VaChisaga vanotenderanawo nemurairidzi wavo vachiti ivo mukore uno hakusisina chikwata chinonzi ichi chidiki kunyanya munhabvu yemuAfrica.

Asi munyori mukuru weCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti Zimbabwe inokwanisa kukunda muchikamu chekutanga sezvo vatambi ava vajaira gadziriro isina gwara kuzvikwata zvavo nekumaWarriors zvekare.

Ma Warriors akabatsirwa nemari yekuenda kumitambo iyi nemukuru wesvondo yeProphetic Healing and Deliverance Ministries, VaWalter Magaya.

Apo chikwata chiri muSouth Africa, mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iyo iri kuenderera mberi semazuva ose.

Mitambo yakamira seizvi.

Chicken In vs Highlanders

FC Platinum vs Triangle

How Mine vs Dynamos

Harare City vs Hwange

Whahwa vs ZPC Kariba

Caps United vs Chapungu

Flame Lilly vs Buffaloes

Mune mimwe mitambo, chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chambomisa rwendo rwacho rwekuenda kuPakistan nemhaka yemvonga mupopoto iri kuitika munyika iyi.

Mutauriri weZimbabwe Cricket, VaLovemore Banda, vanoti vayambirwa neveSports Commission kuti vasashanye munyika iyi mushure mekunge vebazi rinoona zvekunze kwenyika rataura nehurumende yemu Pakistan.

Zimbabwe inoti yaziviswa nePakistan kuti zvine njodzi kushanya munyika iyi pari zvino.

XS
SM
MD
LG