Kwanga kuri kupera kwesvondo kwaive kupera zvakare kwebasa kumutungamiri weZifa, VaCuthbert Dube.
VaDube vakadzingwa basa neMugovera mushure memusangano weZifa Council iyo yakatenderana kuti VaDube vari kutadza kutungamira sezvavakasarudzirwa kuita.
Makanzura ese makumi matatu aive pamusangano uyu akavhota kuti VaDube vasiiswe basa. Mamwe makanzera makumi maviri nemasere havana kuuya kumusangano uyu vachitevera chiziviso chaive chatumirwa naChief Executive Officer weZifa, VaJonathan Mashingaidze.
Zifa Council ndiyo inosarudza vatungamiri veZifa Board. VaSweeney Mushonga, avo vaive sachigaro pamusangano weZifa Council uyu, vanoti vakapihwa masimba nechikamu 22 chebumbiro remitemo yeZifa kubvisa VaDube pachigaro.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaDube kuti vachaita seyi zvichitevera chisungo cheZifa Council.
Ukuwo Fifa inonzi yanyora ichiti kubviswa kwakaitwa VaDube pachigaro kwainge kusiri pamutemo. Hurumende inotiwo inotsigira danho rakatorwa neZifa Council rekudzinga VaDube.
VaDube vanga vachifanirwa kuenda kunovhota musarudzo iri kuitwa yemutungamiri weFifa musi wa 29 Chivabvu.
Nemakakatanwa aripo aya, zvinenge zvichanetsa sezvo Zimbabwe iri kuti VaDube havasisiri mutungamiri weZifa.
Aive mutevedzeri wavo, VaOmerga Sibanda, ndivo vambofanobata chigaro.
Zvamira zvakadai, veruzhinji havasi kutenderana nekudzingwa kwaVaDube.
Mutsigiri we FC Platinum, VaLadislus Mukono, vanoti VaDuve vatadza zvekuti vaifanira kuve vakaendeswa kare kare.
Asi VaGeorge Matarino, avo vanoti vanotevera chikwata chemaWarriors chete, vanoti VaDube vakaitira mutambo wenhabvu zvakawanda kusanganisira kushandisa mari yavo yemuhomwe kuitira kuti maWarriors atambe nedzimwe nyika.
VaMatarino vari kufara zvekare kuti chikwata chavo chemaWarriors chakakunda Mauritius 2-0 mumutambo wavo wekutanga wemakwikwi eCosafa Senior Challenge ayo ari kuitwa muSouth Africa.
Zvibodzwa zvemaWarriors zvakabva kuvatambi veDynamos, Carlos Rusere naRonald Chitiyo.
Mune imwe nyaya yemitambo, chikwata che Zimbabwe Cricket chava muPakistan kunyange hazvo kunyika uku kuchinzi kune njodzi kuvashanyi. Zimbabwe Cricket yakanga yazivisa neChina kuti chikwata chayo chakanzura rwendo rwekuPakistan.
Asi izvi zvakazoshandurwa neChishanu manheru.
Vanoziva zviri kuitika vanoti chikwata ichi chakavimbiswa kuti chichachengetedzwa zvakasimba mumitambo yacho miviri yemaTwenty 20 nemitatu yezuva rimwe iyi iri kutirwa muLahore.
Chikwata ichi ndicho chekutanga kushanya munyika iyi kubvira chikwata cheSri Lanka chakarwiswa muna 2009.
Mitambo yeZimbabwe nePakistan iri kutanga neChishanu