Makundano eCastle Lager Premier Soccer League adzoka nemutsindo mushure memasvondo maviri ezororo.
Kuchange kune makuwerere neSvondo apo zvikwata zvinoteverwa nechaunga zveDynamos neHighlanders zviri kusangana muRufaro Stadium mumutambo unoshevedzwa iwo kunzi Battle For Zimbabwe muchirungu.
Mitambo pakati pezvikwata zviviri izvi inoverengwa pane mitambo mikuru munhabvu yemuAfruca zvekuti nhandare yeRufaro Stadium ichange yakazara nevateveri vezvikwata izvi vachitarisira kukunda.
Chikwata cheHighlanders hachisati chakunda Dynamos pamakore masère apfuura zvekuti mumwe muteveri wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti kukundwa uku kuri kuita kuti mutambo uyu uve nemongo.
Kunyange zvazvo chikwata chavo chisiricho chiri kutamba musi uyu, mutsigiri weCaps United, VaMisheck Chisaga, vanoti vari kuona mutambo uyu uchinakidza zvikuru.
Vaimbove muridzi wepembe, VaSam Hamandawana, vanoti vachitarisa kusatamba zvakanaka kuri kuita zvikwata zviviri izvi, vari kuona mutambo uyu uchiita mangange.
Mitambo pakati pezvikwata zviviri izvi iri kuwanzosangana nedambudziko rekurwa kwevanhu.
Pari zvino zvikwata izvi zvarasikirwa nevatsigiri vaviri vakashaika mushure mekurwa kwakaitika pakasangana zvikwata izvi kuBarbourfields Stadium.
VaHamandawana vanoti panzvimbo yekuripisa zvikwata mushure mekunge vanhu varwa, mitemo inofanira kusandurwa kuchisungwa vanokonzera mhirizhonga.
VaKambamura vanotshinirawo vachiti ivo nhabvu kutandara zvekuti veruzhinji vanofanira kuuya kunhandare nemhuri dzavo vasingatye.
Mimwe mitambo iri ko yakamira seizvi:
Mugovera:
Chicken Inn V Dongo Sawmills.
FC Platinum V Buffaloes
Harare City V Caps United.
Svondo:
Hwahwa V Chapungu
How Mine V Hwange
Triangle V ZPC Kariba
Tsholotsho V Flame Lilly.