Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisira Mitambo yeKiriketi neBob91 Super Cup


Caps-United
Caps-United

Chikwata chenyika chemutambo wekiriketi chatarisana negomba guru mukupera kwesvondo richange riine mitambo yakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kubva kumutambo wekiriketi we World Cup kusvika kumutambo weBob 91 Super Cup, tichidarika nemumutambo weDavis Cup Euro-Africa Zone Group Two, vateveri vemitambo muZimbabwe vatarisana nemachikichori emitambo svondo rino.

Asi chikwata cheZimbabwe chakamira pakati pedombo nemvura apo chiri kusangana neIreland munhandare yeBleverive Oval Ground neMugovera.

Mamiriro akaita zvinhu ndeekuti Zimbabwe inofanirwa kukunda mumitambo yayo miviri yese yasara kutanga neweIreland uyu.

Izvi zvikasaitika panenge pasisina chimuko sezvo kuti Zimbabwe ienderere mberi, inofanirwa kunge yakakunda mumitambo mitatu kubva pamitambo mitanhatu.

Pari zvino, Zimbabwe yakunda mumutambo mumwe chete chete, uyezve yasarirwa nemitambo miviri, mumwe wacho neIndia.

Pari zvino Zimbabwe iri pachinhanho chechitanhatu nemapoinzi maviri chete mumitambo mina pasi peUnited Arab Emirates iyo isina kana poindi imwe chete.

Zvikwata zvina ndizvo zviri kuendera mberi mugungano iri.

Kunyange Zimbabwe iri kuratidza kuomerwa vamwe vanotevera mutambo uyu vakaita saVaSekai Tembo, vari kufunga kuti Zimbabwe ingangozviita ikabudirira.

MaChevrons achange asina mutungamiri wevatambi, Elton Chigumbura, uyo akakuvara pamutambo nePakistan

Asi chikwata ichi chichange chiina Hamilton Masakadza, Sean Williams pamwe naBrendon Taylor avo vanga vachirova maranzi zvinofadza.

Kunyange hazvo veruzhinji vanga vachida kuti chikwata chenyika ichi chienderere mberi mumakundano aya, mamiriro akaita zvinhu ari kuratidza kuti nzira yeZimbabwe iri kusvika pamagumo neMugovera.

Kunze kemitambo iri kuitirwa kuAustralia yeWorld Cup, muZimbabwe mune mutambo mukuru zvekare, kwete wekiriketi, asi wenhabvu.

Chikwata che Caps United chiri kutarisira kuenderera mberi nekudambura Dynamos apo zvikwata zviviri izvi zviri kusangana mumutambo weBob 91 Super Cup muRufaro Stadium neSvondo.

Caps United yakakunda Highlanders svondo rapera kuitira kuti isangane neDynamos mumakwikwi ekupedzisira.

MaGreen Machine akarova Dynamos 6-5 nemapenareti mumutambo weSino-Zimbabwe Challenge.

Murairidzi wenhabvu ane mukurumbira, VaGishoni Ntini, vanoti zvinoita kuti Caps United itange iri pamberi pamutambo weBob 91 Super Cup uyu....

Asi VaNtini vanoti iko zvino Dynamos iri kurova vakomana neCaps United.

Dynamos yakanetseka zvikuru mumutambo weSino-Zimbabwe Challenge. Mumwe aimbove mutambi wayo, Roderick Mutuma, ndiye akamuka chibhebhenenga achibatsira Caps United kukunda mumutambo uyu.

Mutuma anokwanisa zvekare kudzokorora zvaakaita asi mitambo pakati pezvikwata zviviri izvi inonetsa kudoma kuti chikwata chinokunda ndechipi.

Makundano aya ndeekurangarira musi wakaberakwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe chete musi wa 21 Kukadzi.

XS
SM
MD
LG