Munyika mune mufaro mukuru zvichitevera kukunda kwakaita Zimbabwe chikwata chekuMalawi chiri pamba pacho neMugovera.
Mureza weZimbabwe munhabvu wakasimudzwa mudenga apo maWarriors akarovaMalawi pamusha payo 2-1.
Zvibodzwa zveZimbabwe zvakabva kuna Cuthbert Malajila na Khama Billiat, ukuwo Malawi ikamirirwa naJohn Banda.
Mumwe mutsigiri wenhabvu, VaPeter Musenda, vanoti mudzimai wavo akavauraira huku vachifarira kukunda kwema Warriors.
Asi VaMusenda vanoti vari kukumbirawo kune vanotungamira nhabvu, veZimbabwe Football Association, kuti vagadzirise gadziriro yevatambi vemaWarriors apo vari kusangana neGuinea muna Gunyana.
VaMusenda havasi voga vari kufara nezvakaitwa nemaWarriors. Vamwe vacho vari kufara ndiVaMunyaradzi Zisengwe avo vanoti maWarriors ngaarambe akadaro.
Mumwe mutsigiri weHighlanders, VaSimbarashe Mahachi, vanoti vawana rufaro mushure mekugara vachingochema nenyaya yekudyiwa kwema Warriors.
Panguva iyo maWarriors ari kupemberera kukunda kwaakaita, vanotsigira mutambo we rugby vari kufarawo mushure mekunge maSables arova Kenya 28-20 mumutambo wakatambirwa pamberi pemhomho yevanhu kuPrince Edward School.
Chikwata ichi chinofanirwa kukunda Namibia neTunisia kuti chitore zvekare mukombe wemuAfrica.