MuHarare hamusi kudaidzwa anonzwa nemufaro sezvo vanhu vari kufarira kukunda kwakaita Dynamos chikwata cheBuffaloes 3-0 mumutambo wavo wekutanga mumakundano ePremier Soccer League egore rino.
Chikwata ichi chinozivikanwa zvikuru nekusatanga zvakanaka mumakundano aya zvekuti vanotevera De Mbare vari kupemberera zvakaitika mukurakasha Buffaloes 3-0 vachiti ivo izvi zviri kuratidza kuti Dynamos haisi kuita zvekutamba gore rino.
Makore apfuura Dynamos yanga ichinetseka zvikuru mumitambo yekutanga zvekuti yanga ichitanga isiri pazvikwata zvinenge zviri pamusoro soro asi ichizopedzisira yatora mukombe.
Sezvanga zvichingoitika makore apfuura, mumwe mutsigiri wechikwata ichi, VaEddison Mangwende, vanoti vanga vasingatarisire kuti Dynamos inokunda mumutambo wekutanga vachiti zvakaitika izvi zvinofadza zvikuru.
Kunyange hazvo Dynamos isiri iyo iri pamuroro soro, kupemberera kwevatsigiri veDembare kuri kuenderera mberi mumwe wacho, VaAndrew Rwodzi, vachiti kukunda 3-0 kuri kuratidza mutsindo une chikwata chavo.
Zvichitevera mitambo yekutanga, chikwata cheTriangle ndicho chiri pamusoro soro chichiteverwa neDynamos. Zvikwata izvi zvine mapoinzi matatu zvimwe chete neZPC Kariba, Caps United, Chicken Inn pamwe neTsholotsho
Chikwata chakabuditsa mazimari mazhinji chichitenga vatambi vatsva cheHarare City chiri pachinhanho chegumi nenhatu mushure mekurohwa 1-0 neTsholotsho.
Asi mumwe mutsigiri wenhabvu, VaTapera Mugoni, vanoti izvi hazvireve kuti Harare City haikwanise kutora mukombe uyu sezvo makundano achangotanga.
Chikwata cheBuffaloes ndicho chiri pasi pasi, chichiteverwa neHwange pamwe neHighlanders, izvo zvakazvamburwawo mumitambo yekutanga mukupera kwesvondo.