Vakawanda muZimbabwe vari kufara nekubudirira kwakaita chikwata chenhabvu chema Warriors icho chava kusangana neLosotho murwendo rwekuenda kumakwikwi eAfrica Nations Championships, kunyange hazvo vasiri kufara negadziriro yechikwata ichi.
Izvi zvinotevera mangange 0-0 akaita chikwata ichi neComoros, Zimbabwe ndokubudirira sezvo yakakunda Comoros 2-0 iri pamba.
Mutungamiri wechikwata chemaWarriors, Danny Phiri, anoti vari kutarisira kurova zvekare Lesotho kunyanya mumutambo wepamusha uyo wakakosha zvikuru mumakundano aya.
Phiri anoti veZimbabwe Football Association vanofanira kurongengeka zvikuru mukugadzirira kweZimbabwe Warriors kana vachida kuti chikwata ichi chibudirire mumitambo unotevera.
Muteveri weCaps United, VaZivanayi Muroyiwa, vanotshinhirawo vachiti ivo maitirwo ari kuitwa gadziriro yemaWarriors anofanira kusandurwa.
Zimbabwe ikakunda Lesotho mumitambo miviri inobudirira kuenda kumaAfrica Nations Championships ayo achatambirwa kuRwanda muna Ndira gore rinouya.
Zimbabwe yakapotsa yatadza kusimuka kuenda kuMoroni kuComoros nemhaka yekushaikwa kwemari. Asi mari iyi yakazowanikwa manheru echiShanu Zimbabwe ikazokwanisa kusimuka na9 dzemanganwani eMugovera ndokusvika kwasara maawa matatu chete kuti mutambo utambwe.
Pamusoro pezvo chikwata ichi hachina kuwana gadziriro yakakwana mushure mekunge murairidzi wacho, Kalist Pasuwa, abuda mukamba nemhaka yekusabhadharwa mari yemuhoro neZifa.
Pasuwa akazodzoka vave kuda kusimuka apihwa vimbiso neSports and Recreation Commission kuti vaizomubhadhara mari yake.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Pasuwa kana ati apihwa mari yake.
Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yakapera seizvi:
Caps United 2 ...Chicken Inn 0
Triangle 1... Highlanders 1
Dynamos 1... Hwange 1
Chapungu 0 ...FC Platinum 0
Flame Lilly 0... Harare City 0
Buffaloes 1... How Mine 1
ZPC Kariba 0 ...Tsholotsho 1
Dongo 1...Whawha 0
Mumutambo werugby, chikwata chenyika cheZimbabwe chemaSables chasarirwa nemutambo mumwe chete kuti chitore mukombe weAfrica Cup mushure mekurova Tunisia19-8 mumutambo wakatambwa kuPrince Edward School.
Chibodzwa chetry chakabva kuna Fortune Chipendo nemapereti mana kubva kuna Tichafara Makwanya neimwe kubva kuna Lanience Kabwera zvakabatsira Zimbabwe kukunda.
Zimbabwe yasarirwa nekurova Namibia mumutambo uchatambirwa kuWiendhoek musi wa 15 Nyamavhuvhu kuti itore mukombe uyu.
Zimbabwe yakapedzisira kutora mukombe weAfrica Cup muna 2011.