Makundano eCastle Lager Premier Soccer League adzoka zvine mutsindo mushure mesvondo rimwe chete rezororo.
Makundano enhabvu yepamusoro eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa svondo rino, panguva iyo makundano anoteverwa nechaunga eEnglish Premier Soccer League arikupfungaidza utsi.
Chikwata cheCaps United chiri kupembererawo kukunda kwacho mumutambo wacho wekutanga mumitambo mitanhatu panguva iyo makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave nemutungamiri mutsva.
Zimbabwe inofanira kukunda kuti ienderere mberi nemakwikwi aya.
Zvikwata zvenyika zvemutambo werugby nechenhabvu zviri kudzoka zviri maoko chete kubva mukushanya kwazvo kuNamibia mukupera kwesvondo.
Chikwata chemaWarriors chirikupinda mumakundano matsva eChampionship of Africa Nations nechinangwa chitsva mushure mekufadza veruzhinji nekutora mukombe weCosafa Castle Cup.
Chikwata ichi neSvondo chakasimudza mufaro nekunyora peji idzva munhoroondo yemakundano eCosafa Castle Cup apo chakaita chikwata chekutanga kutora mukombe uyu kashanu nekurakasha Zambia 3-1 muRoyal Bafokeng Stadium kuSouth Africa.
MaGreen Machine eCaps United nemaWarriors eZimbabwe vane chivimbo chekuti vachafadza vatsigiri vavo apo vachapinda munhandare muCaf Champions League neCosafa Castle Cup mukupera kwesvondo. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi
Chikwata chemaWarriors chatarisana nekuve chikwata chekutanga kutora mukombe weCosafa Castle Cup kashanu mushure mekupinda mufainari neChitatu manheru vadambura Lesotho 4-3 nezvibodzwa zvitatu zvakakandwa naKnox Mtizwa pamwe nechimwe chete kubva kuna Talent Chawapihwa.
Chikwata chenyika chemaWarriors chapinda muma semi fainari eCosafa Castle Cup nekudambura Swaziland 2-1, zuva rimwe chetero maGreen Machine eCaps United akaita zvanga zvisingatasirirwe nekurakasha Zamalek yekuEgypt 3-1 mumutambo weCaf Champions League.
Ovidy Karuru anwisa zvibodzwa zviviri zvimwe zvacho zvichibva kuna Ocean Mushure naBlessing Majarira mumutambo uyo Zimbabwe ingadai yabuda nezvibodzwa zvakawandisisa dai vashandisa mikana yese yavawana.
Mutsigiri wemaWarriors, VaWilliam Mahoko, avo vanogara muWestlea muHarare, vanotiwo ino yave nguva yekuti Mapeza ashandise penzura yake kunyora zita rake pagwaro rebasa remaWarriors.
Chikwata ichi neSvondo chakayeuchidza vateveri venhabvu mazuva emufaro ekare apo vakazvambaradza Liberia 3-0 pamberi pemhomho yaisvika zviuru makumi mana nezvishanu mumutambo wavo wekutanga wemunzira yekuenda kuma 2019 Africa Cup of Nations.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti kukurumidza kusvika kwakaita vashanyi ava muZimbabwe kunoratidza kuti hapana chimwe chavari kufambira kunze kwemapoinzi matatu.
Vatsigiri chikwata che Caps United vane chivimbo chekuti chikwata chavo chichashandisa maziviro achinoita nhandare yeNational Sports Stadium kurova chikwata chiri kushanya cheUSM Alger chekuAlgeria mumutambo wavo weGroup B yeCaf Champions League nemusi weChitatu masikati.
Mutambo wanga uchingotaurwa nezvawo pakati peDynamos neYadah ungangotadza kutambwa nemhaka yekushaikwa kwenhandare sezvo National Sports Stadium yakavharwa ichigadzirirwa musangano wesvondo yeChrist Embassy uyo uriko svondo rinouya.
Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvichabudirira kuenderera mberi nemakundano aya, ayo achapera musi wa 5 Mbudzi apo pachatambwa mutambo wechipiri wefainari.
Dembare yave kusangana neHighlanders mufainari munhandare imwecheteyo neChipiri mushure mekunge Bosso yakadambura FC Platinum 4-3 nemapenereti muBaborufields Stadium mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 0-0 munguva yakatarwa.
Vatsigiri vemitambo muZimbabwe vari kutyamadzwa nemaroverwo akaitwa Charles Manyuchi mumutambo wake wekudzivirira bhande rake resirivha reWorld Boxing Council.
Svondo rese rapera vateveri vemaGreen Machine vachipemberera mushure mekunge chikwata chavo chakaita mangange 1-1 neTP Mazembe kuKinshasa vachiti ivo vatodongorera mumini league stage yemakundano emuAfrica aya.
Rodhai zvimwe