Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yomisa Mitambo yeCastle Premier Soccer League paZororo reMagamba


Dynamos ne Highalnders
Dynamos ne Highalnders

Makundano enhabvu yepamusoro eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa svondo rino, panguva iyo makundano anoteverwa nechaunga eEnglish Premier Soccer League arikupfungaidza utsi.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ambomiswa kupa mukana kumitambo makumi matatu nemumwechete yekuedzana masimba iyo yarongwa neveZimbabwe Football Association kuti itambwe panguva yezororo reHeroes.

Mugwaro ravatumira vatori venhau, anotaura akamirira veZifa vaQolisani Gwesela vanoti Zifa irikutora nguva yezororo iri kuendesa mutambo wenhabvu kumativi mana ese enyika kusanganisa kumaruwa akaita seGwanda, Gokwe, Gutu, Nkayi, pamwe nenzvimbo dzakaita seChegutu, Rusape, Shurugwi, Bindura, neNorton.

VaGwesela vati mitambo iyi ichatambwa neMuvhuro sekupemberera zuva reHeroes Day, iro rinoshandiswa kurangarira magamba enyika.

Mitambo iyi inosanganisa mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders uyo uri kutarisirwa kutambwa muHarare asi veZifa vacho havasati vazivisa kuti mutambo uyu uchatambirwa kupi muRufaro Stadium kana kuNational Sports Stadium.

Mumwe mutambo mukuru uriko ndeuyo uri kuChinhoyi uko Caps United iri kubandana neNgezi Platinum Stars iyo iri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League, pamwechete, neuyo uri kuZvishavane apo Shabanie Mine iri kutamba nevavakidzani vavo veFC Platinum.

Asi hazvisi pachena kuti Kugona Kunenge Kudada pamwe neMakepekepe achatambisa vatambi vavo vane mukurumbira pamitambo yehushamwari iyi sezvo zvikwata zviviri izvi zviri kusangana pamutambo weligi nemusi weChitatu.

Anotaura akamirira Premier Soccer League Muzvare Kudzai Bare vati havasi kumisa mutambo uyu sezvo waifanira kuve wakatambwa kare asi ukamiswa nemhaka yekuti chikwata cheCaps United chaikwikwidza muCaf Champions League.

Asi vanotevera mutambo wenhabvu vanoti havasi kufara nekumiswa kwaitwa mitambo yePremier Soccer League sezvo mitambo yeligi iyi yaikwanisa kutambwa panguva yezororo iyi sezvaingoitwa makore apfuura.

Mumwe mutsigiri wenhabvu VaPhineas Muketiwa vanoti sezvo vari veZifa varonga mitambo iyi, vanofanira kuona kuti vatambi vawana mari uyezve kuti vabhadharira zvikwata michovha yekufambisa kuenda kwavari kumakidzwa kunotamba uku.

Zvichakadaro, mitambo inoteverwa nechaunga yeEnglish Premier League iri kupfungaudza utsi svondo rino kutanga manheru anhasi apo chikwata cheArsenal chakunda Leicester City 4-3.

Makundano aya anoshandiswa nevakawanda muZimbabwe kutsvaga mari vachiita zvekubheja sezvo munyika musisina mabasa nenyaya yekuoma kwezvehupfumi.

Asi nharo dziri kutitka ndedzekuti ndechipi chikwata chichatora mukombe uyu mwaka uno vamwewo vachiti Man U, vamwe Chelsea, vamwewo Liverpool, asi vakawanda vacho vachinongedzera kuti Manchester City ndiyo ichaenda nemukombe.

Ngatizwei mafungiro emuongorori wezvemutambo wenhabvu vaFarai Kambamura kuti mukombe uyu unoenda kupi mwaka uno.

Mimwe mitambo irikuvhura makwikwi aya mwaka uno ndeiyi….

Mugovera

Watford v Livepool

Everton v Stoke

West Brom v Burnemouth

Crystal Palace v Huddersfield

Southampton v Swansea

Brighton v Man City

Svondo

Newcastle v Tottenham

Man U v West Ham

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG