Accessibility links

Kurohwa kwaCharles Manyuchi Kwoshamisa Vanhu Vakawanda muNyika

  • Michael Kariati

Charles Manyuchi

Vatsigiri vemitambo muZimbabwe vari kutyamadzwa nemaroverwo akaitwa Charles Manyuchi mumutambo wake wekudzivirira bhande rake resirivha reWorld Boxing Council.

Nhanhasi vatsigiri vemitambo muZimbabwe vari kukatyamadzwa nezvakaitika kuna Charles Manyuchi uyo akadamburwa maminitsi maviri nemasekonzi makumi mashanu nematanhatu munharaunda yekutanga na Quadratillo Abduqaxarov weku Uzbekistan ndokutorerwa bhande rake reWorld Boxing Council resirivha.

Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi
Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi

Mifananidzo yemutambo uyu yazara murunhare mbozha dzevakawanda muZimbabwe avo vasiri kunyatsobvuma kuti ndiManyuchi wavanoziva here uyo ari kupunzirwa pasi zvisina tsarukano.

Vamwe ndivo vari kuti Manyuchi aive asina kunyatsogwinya zvekunorwa mumutambo uyu. Vamwewo ndivo vari kutaura zvimwe, vachinenedzera nyaya dzekubheja zvisiri pamutemo. Asi chokwadi ndechekuti Manyuchi haasisina bhande raaive anaro resirivha.

Mutsigiri wemutambo wetsiva VaRobert Mupanduki vanoti vari kurwadzikana zvikuru kuti Manyuchi haasisina bhande iri sezvo vanga vachitarisira kuti gore rino aizotora bhande repamusoro soro regoridhe iro rina Keith Thurman wekuAmerica.

Asi Manyuchi uyo ane makore makumi maviri nema achiri nenguva yekukwanisa kugadzirisa paasina kuita zvakanaka, nekurwira, pamwe nekutora bhande rake zvekare.

Zvakamira zvakadai. Vatsigiri venhabvu havasi kufara zvekare mushure mekubuda muNational Sports Stadium nezuro vachigunun’una nematambiro akaita chikwata chemaWarriors icho chakaita mangange 0-0 neZambia mumutambo wekuedzana masimba.

Chokwadi ndechekuti Zambia ingadai yakakunda nezvibodzwa zvakawandisa dai vasina kutambisa mikana yavakawana uyezve dai pasina mubati wepagedhe wemaWarriors Edmore Sibanda uyo akamuka chibhebhenenga.

Asi murairidzi wemaWarriors Norman Mapeza anoti achitarisa kuti chikwata chake chakagadzirira kwemazuva maviri chete vatambi vake vakaita nepese pavanogona.

Mapeza akawedzera uye kuti kusauya kwevamwe vatambi vaaive ashavedza pamutambo uyu kwakakanganisa zvekare marongero ake.

Asi mumusha weCaps United mune mafaro mushure mekunge maGreen Machine akatora mukombe weZimbabwe National Army Charity Shield, svondo rimwechete vachangobudirira kupinda mumini league stage yeCaf Champions League.

Makepekepe akarova Highlanders 3-2 nemapenareti mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 1-1.

Mutsigiri wemaGreen Machine VaMunyaradzi Goro vanoti zvanga zviri pachena kuti Makepekepe anodambura Highlanders.

Mukukunda uku, Caps United yakawana mari inoita zviuru gumi nezviviri. Highlanders yakatambidzwa zviuru zvisere zvemadhora.

XS
SM
MD
LG