Accessibility links

Zimbabwe Inorova Mozambique 4-0 Mumutambo weCosafa Castle Cup

  • Michael Kariati

The Zimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu chenyika, cheZimbabwe Warriors, charova Mozambique 4-0 mumakwikwi eCosafa Castle Cup mumutambo wacho wekutanga wemakundano egore rino waitirwa muMaruleng Stadium muJohannesburg kuSouth Africa.

Ovidy Karuru anwisa zvibodzwa zviviri zvimwe zvacho zvichibva kuna Ocean Mushure naBlessing Majarira mumutambo uyo Zimbabwe ingadai yabuda nezvibodzwa zvakawandisisa dai vashandisa mikana yese yavawana.

Zimbabwe iri kuda kuita chikwata chekutanga zvekare kutora mukombe uyu katodarika kana sezvo pari zvino maWarriors, Chipolopolo chekuZambia pamwe neBafana Bafana yekuSouth Africa vakabatana pamikombe mina.

Mutambo unotevera weZimbabwe uriko neChitatu apo iri kusangana neMadagascar.

Vakakunda mumutambo uyu, Zimbabwe inopinda mumakota fainari eCosafa Castle Cup.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG