Accessibility links

Ngezi Platinum Yotungamira muMakundano eCastle Lager Premier League

  • Michael Kariati

Ngezi Platinum yakakwanisa kurova How Mine 2-1 pamusha payo paLuveve. (Photo: PSL)

Chikwata cheCaps United chiri kupemberera kukunda kwacho mumutambo wacho wekutanga mumitambo mitanhatu panguva iyo makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave nemutungamiri mutsva.

Chikwata chekumaruwa eMhondoro-Ngezi cheNgezi Platinum Stars chadzokera pamusoro pemakundano eCastle Lager Premier Soccer League, pamusoro pe Chicken Inn mushure mekufamba nekunotora mapoinzi ese matatu apo chakashanya kuLuveve Stadium kwachakarova How Mine 2-1.

Zvibodzwa zvakabva kuna Partson Jaure na Terrence Dzvukamanja zvakapinza Ngezi Platinum Stars mumapoinzi makumi mana, poindi imwe chete pamusoro peChicken Inn iyo yakanoita mangange 0-0 neFC Platinum apo yakashanyanya kuMandava Stadium neMugovera.

Asi vari kunyanyofara nezvakaitika mukupera kwesvondo ndevemumhuri yeMakepekepe mushure mekunge chikwata chavo chakazokundawo nekudambura ZPC Kariba 1-0 mushure, mekurohwa mumitambo yavo mina nekuita mangange mumutambo mumwechete kubvira apo vakabuda mumakwikwi eCAF Champions League.

Chibodzwa chakabva kuna Dominic Chungwa chakaunza mufaro muvatsigiri vemaGreen Machine avo vakaenda nehuwandu hwavo hwose kuNational Sports Stadium nezuro, kunyange hazvo chikwata chavo change chisingatame zvakanaka masvondo achangopfuura.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi VaInnocent Mutena vanoti chitima cheCaps United chave munzira kunotora mukombe weligi zvakare.

VaMutena vanoti mazuva emufaro wakanyanyisa ari munzira kuuya kuchikwata chavo.

Asi Makepekepe haasi kubuda munharaunda yezvikwata zvakatarisana nenjodzi yekubuda munhabvu yepamusorosoro sezvo ichiri pachinhanho chegumi nenhanhatu, mapoinzi matatu pasi pechikwata chairi kutevera cheHwange icho chine mapoinzi makumi maviri.

Asi vavakidzani vavo veDynamos vari kuenderera mberi nechinangwa chavo chekutora mukombe mukuru uyu mushure mekurova Black Rhinos 1-0 nechibodzwa chakabva kuna kaputeni wavo Ocean Mushure.

Asi vaive pamutambo uyu vanobvuma kuti Black Rhinos yakatamba zvinodadisa zvekuti yaikodzera kubuda kana nepoindi imwechetewo zvayo asi izvi zvakaramba.

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa ari kufara zvikuru nekuwedzera mamwe mapoinzi matatu pamusoro pemakumi matatu nematanhatu avaive vanawo vasati vasangana neChipembere.

Asi murairidzi weBlack Rhinos Stanford Stix Mtizwa ari kuchema nezvibodzwa zviri kupinda mumambure avo achiti iye izvi zvinofanira kugadziriswa nechimbi-chimbi kuti vasarambe vachiwira pasi.Uyu wave mutambo wechitatu wakateverana Black Rhinos ichi zvamburwa.

Highlanders ndiyo chete yezvikwata zvine mukurumbira isina kukwanisa kutora mapoinzi ese matatu mushure mekuita mangange 0-0 neHarare City.

Bosso yakudubuka zvikuru zvekuti chikwata chinoteverwa nechaunga ichi chave pachinhanho chechitanhatu, mapoinzi mapfumbamwe pasi peNgezi Platinum Stars, uyevo mapoinzi mashanu pasi peDynamos.

Zvakamira zvakadai, mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi …

Yadah 0 Tsholotsho 0

Bulawayo City 3 Shabanie 0

Hwange 2 Chapungu 0

Triangle 1 Bantu Rovers 0

Mushure mekunge zvikwata zvatambwa mitambo makumi maviri, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi..

Ngezi Platinum Stars 40 points

Chicken Inn 39 points

Dynamos 36 points

FC Platinum 36 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi …

Hwange 20 points

Caps United 17 points

Bantu Rovers 9 points

Tsholotsho Pirates 8 points

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG