Accessibility links

Breaking News

Caps United Yosangana neAl Ahly Tripoli neChishanu muHarare


Caps United
Caps United

Vateveri venhabvu vayambira maGreen Machine eCaps United kuti vasadherere vashanyi ve Al Ahly Tripoli, Libya, avo vari kutatarika mumakundano eCaf Champions League mumutambo wavo muNational Sports Stadium neChishanu.

Vanofarira nhabvu munyika vanoti Caps United haifanire kutarisira Al Ahly Tripoli pasi sezvo chikwata ichi chichiziva kuti kukundwa muZimbabwe kuri kureva kusvika kumagumo kwenzira yavo yemakundano eCaf Champions League egore rino.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti kukurumidza kusvika kwakaita vashanyi ava muZimbabwe kunoratidza kuti hapana chimwe chavari kufambira kunze kwemapoinzi matatu.

Munyori wenhau dzemitambo mubepa nhau reNews Day, Tawanda Tafirenyika, anoti verushinji vasatarisire mutambo wakapfava paAl Ahly Tripoli sezvo chikwata ichi chiri kuda kuita mbiri nekusvika mumakota fainari kekutanga mumakwikwi aya.

Muteveri weMakepekepe, VaTafadzwa Mufundisi, vanoti Caps United haifanire kudhererera Al Ahly Tripoli nekuti kuita mangange kwayakaita neZamalek kuri kuratidza kuti hayiasi yekutarisira pasi.

Asi VaMufundisi vanofunga kuti Makepekepe anokunda asi kwete nezvibodzwa zvakawandisa sezviri kudiwa, asi 1-0 chete.

Chikwata chekuLibya ichi chakaratidza kuti hachisi kutamba nemutambo uyu mushure mekusvika muHarare neMuvhuro, mazuva mana mutambo wavo usati watambwa.

Asi Makepekepe anofanira kukunda mumutambo uyu kunyange 1-0 zvayo kuti varambe vari munzira yekuenderera mberi nemakundano.

Vanotungamira chikwata ichi vadzikisa mari inobhadharwa pagedhe kubva pamadhora mashanu ayo vanga vachishevedzera mumitambo yakadai, kusvika pamadhora matatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG