Accessibility links

Breaking News

Mufaro Munyika Zvichitevera Kupinda kweZimbabwe muSemi Fainari yeCosafa


Zimbabwe Young Warriors
Zimbabwe Young Warriors

Munhabvu yemuZimbabwe mune mufaro mukuru zvichitevera mashiripiti akaitika mukupera kwesvondo.

MuZimbabwe hamusi kudaidzwa anonzwa mushure mekunge chikwata chenyika chemaWarriors chapinda muma semi fainari eCosafa Castle Cup nekudambura Swaziland 2-1, zuva rimwe chetero maGreen Machine eCaps United akaita zvanga zvisingatasirirwe nekurakasha Zamalek yekuEgypt 3-1 mumutambo weCaf Champions League muNational Sports Stadium.

Kunyange hazvo mitambo iyi yakatambwa neSvondo, mhemberero iri kuenderera mberi zvakaitika izvi iri iyo nyaya iri kungotaurwa nezvayo mumabhazi, mumabhawa, nemudzimbwa, veruzhinji vachiti ivo nhabvu munyika iri kusimukira zvishoma nezvishoma.

MaWarriors, ayo ari kurairidzwa naSunday Chidzambwa, ave munharaunda yakakosha iyi zvichitevera zvibodzwa zvakanwiswa naOvidy Karuru pamwe naKnox Mtizwa, izvo zvasiya Swaziland yave kudzokera kumba vatamba mutambo mumwe chete chete mumakwikwi aya.

Uyu wave mutambo wechitatu maWarriors achikunda mumakundano aya mushure mekurova Mozambique 4-0, Seychelles 6-0 nekuita mangange 0-0 neTanzania.

Vachitarisa matambiro aita maWarriors mumakwikwi aya kusvika pari zvino, nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaSingirai Miti, vanoti semaonero avo Zimbabwe iri kudzoka nemukombe uyu kumba.

MaWarriors ave kusangana neLesotho muma semi fainari nemusi weChitatu mumutambo uyo veruzhinji vari kutarisira kukunda zvekare kuti Zimbabwe ipinde mufainari pamwe nekuita chikwata chekutanga kutora mukombe uyu kashanu.

Asi mufaro munyika hausi kutanga nekuperera pamaWarriors mushure mekunge chikwata chiri kumirira nyika muCaf Champions League, cheCaps United chakasimudza nhandare yese apo chakatamba sechakasvikirwa mukudambura kwavo Zamalek 3-1.

Mumwe muteveri weMakepekepe, VaPoncent Mhondiwa, vanoti zvaive pachena kuti Makepekepe anokunda vachiti ivo nguva yana Zamalek yakapfuura kare, vachiti iko zvino yave nguva yezvikwata zvakaita semaGreen Machine.

Vaive munhandare iyi vakashamisika nematambiro akaita vatambi veCaps United zvichitevera kurohwa kwavanga vachangoitwa neYadah 2-0.

Mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Fungai Kwashi, anoti maGreen Machine aive akaisa moyo pamwe nepfungwa dzese pamutambo weZamalek.

Zvibodzwa zviviri zvakabva kuna Abbas Amidu nechimwe kuna Ronald Pfumbidzai zvapinza Caps United mumapoinzi matanhatu, maviri pasi peUSM Alger neAl Ahly Tripoli kwasara mutambo mumwechete chete kuti mitambo ipere mugungano iri.

Makepekepe atarisana nemutambo wasara neUSM Alger munhandare yeState Omar Hamadi nemusi weSvondo, mutambo uyo vanofanira kukunda kuti vasvike mumakota fainari emakundano aya.

Zvamira zvakadai, chikwata cheDynamos chafamba nzendo inodadisa vateveri vacho mushure mekukwira kusvika pachinhanho chechipiri nekurova kwachakaita Bantu Rovers 2-0 mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League.

Dynamos yasiiwa nemapoinzi maviri chete nechikwata chiri kutungamira cheNgezi Platinum Stars icho chave nemapoinzi makumi matatu nechimwe chete mushure mekudambura FC Platinum 2-1 muBaobab Stadium.

Asi vanotevera Dynamos vatove kupemberera kuve pamusoro soro pechikwata chavo sezvo vari kutarisira mapoinzi matatu kubva pamutambo wavo neChapungu uyo wagagumira munzira vakatunganmira 4-0.

Zvikwata zvitatu Black Rhinos, iyo yakaita 1-1 neZPC Kariba, pamwe neHighlanders, iyo yakarova Yadah 1-0, neChicken Inn yakanodamburwa 2-1 neChapungu kuAscot Stadium, dzakabatana pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi maviri nemasere.

Mitambo yese yeCastle Lager Premier Soccer League yaiveko yakapera seizvi…

Chishanu:

Dynamos 2 Bantu Rovers 0

Mugovera:

ZPC Kariba 1 Black Rhinos 1

Chapungu 2 Chicken Inn 0

Ngezi Platinum 2 FC Platinum 1

Svondo

Harare City 1 Hwange 1

Shabenie Mine 1 How Mine 0

Highlanders 1 Yadah 0

Yadah, iyo inopihwa mari yekushandisa namuporofita Walter Magaya, yakaenda kuBulawayo kunotamba neHighlanders nendege izvo zviri kuremera zvikwata zvakawanda izvo zviri kufamba nzendo refu iyi nebhazi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG