Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokweshana neNamibia neSvondo


The Zimbabwe Warriors
The Zimbabwe Warriors

Chikwata chemaWarriors chasangana nedambudziko guru apo chatarisana nemutambo mukuru weAfrica Nations Championships nemaBrave Warriors ekuNamibia.

MaWarriors achange asina kaputeni wavo, Ocean Mushure, uyo akakuvara pamwe chete naTalent Chawapihwa uyo ari kuenda kuSouth Africa kunobatana nechikwata chake chitsva cheBaroka mumutambo wavo weAfrica Nations Championships neNamibia.

Zimbabwe inofanira kukunda kuti ienderere mberi nemakwikwi aya.

Pamusoro pezvo, Gerald Takwara uyo aibhebha moto kumakundano eCosafa Castle Cup, haasi kutamba zvekare sezvo asati asimba kubva mukurwara kwake uko kwakatanga apo chikwata chemaWarriors ichi chaive muWindhoek mumutambo wavo wesvondo rapera.

Asi maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti mushure mekunge vatarisa zvikwata zvese zviri muPremier Soccer League, vadeedza vatambi vakaita saHonest Moyo weHighlanders, Denver Mukamba weDynamos, Devon Chafa weCaps United naLeeroy Mavhunga weYadah avo vanoti vari kutsiva vatambi vabuda muchikwata ichi.

VaMpandare vanoti vane chivimbo chekuti vatambi ava vachatamba zvinodadisa pamutambo nemaBrave Warriors.

Pari zvino, Nambia iri kutungamira 1-0 mushure mekukunda kwavakaita svondo rapera asi mumwe muteveri wemaWarriors, VaWilliam Mahoko, vanoti muNational Sports Stadium maBrave Warriors haapone

Pamusoro pevatambi vatsva ava, maWarriors ane vamwe vatambi zvekare vakaita saAbbas Amidu weCaps United, Emmanuel Mandiranga weDynamos, pamwe naPrince Dube weHighlanders, avo vane mbiri yekukanda zvibodzwa mumambure.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaIsaac Maheya, vanoti vachitarisa mamiriro akaita maWarriors, Zimbabwe yakatokunda Namibia kare.

MaWarriors anofanira kukunda nezvibodzwa zviviri kana kudarika zvisina mudzorero kuti vakwanise kuenderera mberi nemakundano aya.

Vakakunda sezviri kutarisirwa maWarriors anosangana nechikwata chichakunda pane mumwe mutambo uyo uripo pakati peLesotho ne Comoros.

Comoros iri kutungamira 2-0 kubva mumutambo wavo wekutanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG