Makundano eCastle Lager Premier Soccer League adzoka zvine mutsindo mushure mesvondo rimwe chete rezororo.
Nemusu weMugovera masikati nhandare yeRufaro Stadium ichange isingadanwe anonzwa apo pachatambwa mitambo miviri apo Yadah neBlack Rhinos dziri kushandisa nhandare imwechete, zuva rimwe chete, mumitambo yavo yeCastle Lager Premier Soccer League yevhiki remakumi maviri nemaviri.
Yadah iyo iri kuti nhasi yabaka moto, mangwana wodzima, ndiyo iri kutanga kupinda munhandare yeRufaro Stadium iyi kusangana neChapungu iyo iri kukwikwira zvishoma nezvishoma muhurongwa hwemakundano aya.
Yadah, iyo yaimbotungamira makundano aya yave pazvikwata zvina zvakatarisana nekubuda mumakwikwi aya zvekuti inofanira kukunda kuitira kuti isaverengwe pazvikwata zvaingopinda muPremier Soccer League nekubuda gore rimwe chetero.
Mutambo uyu ukapera, uri kuteverwa nemutambo mukuru pakati peBlack Rhinos neChicken Inn iyo iri pachidanho chechipiri mumakundano ezvikwata gumi nezvisere aya.
Chipembere chadonha zvinotyisa mumakundano aya zvekuti chikwata cheZimbabwe National Army ichi chave pachidanho chechisere mushure mekumbotungamira makundano aya, kwemasvondo akati wandei.
Kunyange hazvo varohwa mitambo mina yakataverana murairidzi weChipembere Stanford Stix Mtizwa anoti iyi yave nhoroondo achiti iye varikuda mapoinzi ese matatu vakatarisana nechinangwa chavo chekuramba vari muPremier Soccer League mwaka unotevera.
Asi machikichori muRufaro Stadium haasi kutanga nekugumira pamitambo miviri iyi, sezvo nesvondo maGreen Machine eCaps United achange achiedza kupunzira pasi Ngezi Platinum Stars iyo iri pamusoro petafura yeligi.
Mushure mekutora poindi imwechete kubva mumitambo mina vabuda mumakundano eCaf Champions League, Makepekepe irikubhebha moto mushure mekutora mapoinzi manomwe kubva mumitambo yavo mitatu ichangopera kusanganisira wemusi weChitatu uyo yakarova FC Platinum 2-1.
Mapoinzi manomwe aya asiya Makepekepe ave pachinhanho chegumi neina mumakundano aya asi vaine mitambo mishanu yavasati vatamba nemhaka yekukwikwidza kwavo muCaf Champions League.
Kunyange hazvo vakawanda varikuti maGreen Machine haasisimo mukurwira kutora mukombe weligi uyu, mumwe mutsigiri wechikwata ichi VaTakunda Mupereki vanoti Makepekepe anokwanisa kudzivirira mukombe uyu, uyo vakatora mwaka wapera.
Asi sachigaro weNgezi Platinum Stars VaJeremiah Getiseni vanoti vanonokerwa nemutambo neCaps United uyu vachiti ivo maGreen Machine haasi kumira.
Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi…
Bulawayo City v Harare City
Hwange v Bantu
Highlanders v Tsholotsho Pirates
Shabanie Mine v ZPC Kariba
Triangle v Platinum
Dynamos neHighlanders hadzina mitambo svondo rino, sezvo zvikwata zviviri izvi zvaifanira kuve zviri kuBotswana kumakundano ezvikwata zvina aifanira kusanganisirawo Taffic Stars neMochudi Centre Chiefs. Makwikwi eSupa Power Cup aya haasi kuzoenderera mberi mushure mekunge vange vakaronga makundano aya vakundikana kuzadzikisa zvange zvichidiwa nezvikwata izvi.
Asi zvikwata izvi hazvichaenda kuFrancistown asi vePremier Soccer League vazivisa kuti hapana nguva yekuti mitambo yavo yeCastle Lager Premier Soccer League ienderere mberi.
Dynamos yanga ichifanira kusangana neHow Mine, Highlanders ichibandana neTsholotsho Pirates.
Zvakamira zvakadai, makundano eEnglish Premier League arikupinda mumitambo yechipiri apo chikwata chirikutungamira makwikwi aya cheManchester United chiri munzira kuenda kuWales kunosangana neSwansea.
Vanoziva zvemutambo wenhabvu vanoti Swansea haisi kumira zvekuti varikutarisira zvekare kunaya kwezvibodzwa sezvakaitika svondo rapera apo maRed Devills akabvarura West Ham 4-0.
Asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukamba yeChelsea iyo yatarisana nemutambo mukukutu apo varimuguta ravo reLondon as kuWembley uko varikunobandana neTottenham Hotspur iyo isingaroveke roveke pamusha.
Mimwe mitambo mugungano iri ndeiyi…
Liverpool v Crystal Palace
Southampton v West Ham
Burnemouth v Watford
Stoke v Arsenal
Burnley v West Brom
Huddersfield v Newcastle
Manchester City v Everton
KuSpain, makundano emwaka uno ari kutanga svondo rino apo chikwata chine mukombe weLa Liga che Real Madrid chir ikutanga chiri kunze kwemusha kuDeportivo La Coruna panguva iyo Barcelona iri Nou Camp neReal Betis.
Madrid neBarcelona, zvakasangana pakati pesvondo pamutambo wemukomba apo Barceloma yakadamburwa 2-0.
Facebook Forum