Accessibility links

Caps Ingarove USM Alger Here kuNational Sports Stadium Mumakwikwi eCAF Champions League?

  • Michael Kariati

Caps United

Vatsigiri chikwata che Caps United vane chivimbo chekuti chikwata chavo chichashandisa maziviro achinoita nhandare yeNational Sports Stadium kurova chikwata chiri kushanya cheUSM Alger chekuAlgeria mumutambo wavo weGroup B yeCaf Champions League nemusi weChitatu masikati.

MaGreen Machine haasati amborohwa muNational Sports Stadium mumitambo yakakosha kwegore nemwedzi mishanu zvekuti vanofarira chikwata ichi vari kutarisira kuti chikwata chavo chichawedzera rimwe gwaro munhoroondo yakasimba iyi mangwana masikati nekudambura USM Alger

Makepekepe akaremerwa mumakundano eCaf Champpions League aya mushure mekurohwa 2-0 neZamalek zvekuti vanofanira kurova USM Alger kuti varambe varimunzira yekuenderera mberi nemakundano aya izvo mumwe muteveri wechikwata ichi vaJockoniah Masona vanoti zvinoitika vachitarisa maziviro anoita chikwata chavo nhandare yeNational Sports Stadium.

Mumwe mutsigiri weMakepekepe vaTudmund Goredema vanoti semaonero avo maGreen Machine arikutora mapoinzi ese matatu vachiti ivo mutambi Dominic Chungwa achakanda mumambure.

VaGoredema vanoti Caps United inofanira kudzokorora matambiro avakaita neZamalek, votarisa pane mambure kuti vakunde USM Alger.

Vamwe vatambi veCaps United vachange vachitarisirwa kukanda zvinodzwa ndi Tafadzwa Rusike, Phineas Bamusi, Abbas Amidu, Joel Ngodzo, naRonald Pfumbidzai.

Kuti Caps United iwane mukana wakasimba wekuenderera mberi nemakundano aya, Makepekekepe anofanira kukunda mumitambo yavo yese yepamusha zvinemutsindo kusanganisa wavarikutamba neUSM Alger.

Mutevedzeri wemurairidzi wemaGreen Machine VaFungai Tostao Kwashi vari kukumbira vatsigiri venhabvu vese kwete vechikwata chavo chete kuti vauye nehuhwandu hwavo kuzokuzirira chikwata ichi kuti chiwedzere mwando

Mutsigiri weDembare VaAndrew Rwodzi vari kukurudzira vamwe vavo kuti vave muNational Sports Stadium kuzoshevedzera kuti Kepekepe Bhora.

Asi Makepekepe angangoodza moyo vamwe vatsigiri venhabvu mushure mekukwidza mari inobhadharwa pagedhe kubva pamadhora matatu kusvika pamadhora mashanu, panguva iyo veruzhinji, vakaomerwa munyaya dzemari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG