Accessibility links

Vatsigiri veNhabvu Votarisira Kuti maWarriors neCaps Vachasimudza Mureza weZimbabwe

  • Michael Kariati

Zimbabwe Warriors

MaGreen Machine eCaps United nemaWarriors eZimbabwe vane chivimbo chekuti vachafadza vatsigiri vavo apo vachapinda munhandare muCaf Champions League neCosafa Castle Cup mukupera kwesvondo. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

Chikwata cheCaps United chasvika muAlgiers nhasi mangwanani chakatarisana nemutambo wacho weCaf Champions League Group B neUSM Alger panguva iyo maWarriors asimudzira gadziriro yavo yeCosafa Castle Cup final neChipolopolo yekuZambia neSvondo.

Makepeke arikufanira kukunda kuti vasvika mumakota fainari emakundano aya, kukundwa kwavo, kuchireva kubuda mumakwikwi aya vasvika pedyo pedyo nekunyora gwaro munhoroondo yemakwikwi aya.

Parizvino Caps United iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi matanhatu, maviri pasi peUSM Alger neAl Ahly Tripoli zvekuti kukunda kwavo kunovaisa pamusoro kupinda mumakota fainari kubva mugungano iri iro ririkusanganisa zvekare Zamalek yekuEgypt.

Kunyange hazvo zvakaoma mumutambo neUSM Alger, vatsigiri vemaGreen Machine varikutarisira kufara sezvavakaita zvondo rapera apo vakadambura Zamalek 3-1 pasina aitarisira kuti maGreen Machine angaite zvakadaro.

Zvakamira zvakadai. MaWarriors arikupinda munhandare yeRoyal Bafokeng vaine mukana wekutora mukombe uyu kechishanu

Parizvino, maWarriors ane mikombe mina kubvira makundano aya atanga muna 1997 pamwechete neAngola, South Africa neZambia asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association vaJasper Femberai vanoti maWarriors atotora mukombe vachitipa zvibodzwa zvavanofunga kuti Zimbabwe inokunda nazvo.

Asi mumwe mutsigiri wenhabvu VaLloyd Tambaoga vanoti Zimbabwe isafunge kuti yakatokunda kare nekuti mutambo uyu wakaoma zvikuru.

Castle Premier Soccer League

Panguva imwec heteyo, mitambo muCastle Lager Premier Soccer League irikuenderera mberi ichipinda muvhiki regumi nenomwe Dynamos iine mukana wekuenda pamusoro kechipiri gore rino.

Asi Dembare ine mutambo wakaoma apo varikushanya kuBabourfields Stadium kunosangana neChicken Inn iyo iri pachinhanho chechitatu mumakwikwi aya.

Dynamos ikakunda, Ngezi Platinum Stars ikanorohwa kana kuita mangange neTriangle kuGibbo Stadium nesvondo zvekare Dynamos inobva yaenda panyanga.

Asi Dynamos ikakunda, Ngezi kanotorawo zvekare mapoinzi matatu kuTriangle, mamiriro akaita zvinhu anoramba akadaro.

Mitambo yese yeCastle Lager Premier Soccer League svondo rino ndeiyi.

Mugovera

Bantu v Bulawayo City Luveve

How Mine v Harare City - Luveve

FC Platinum v chapungu - Mandava

Yadah v Shabanie Morris Depot

Svondo

Triangle United V Ngezi Platinum - Gibbo

Hwange V ZPC Kariba -Colliery Stadium

Black Rhinos V Tsholotsho -Morris Depot Stadium

Chicken Inn V Dynamos -Barbourfields Stadium

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG