Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kwaMutare masikati pamberi pemusangano wavo nemadzishe nemasadunhu ekuChimanimani neChipinge nemusi weChina.
Sangano revashandi iri richacherechedza zuva revashandi pasi rose kuburikidza nekuungana kunhandare yeDzivarasekwa muHarare.
Mapfupa evaviri ava, VaJustin Tshuma nemudzimai wavo, Muzvare Thembi Ngwenya, avo vaive vakaroorana, anonzi akafukurwa pedyo nenjanji yechitima, apo vakavigwa nevamwe vagari vanonzi vakamanikidzwa nemapurisa kupfuchira vaviri ava.
Vamwe vateveri vebato reMDC vari kunyunyuta nehurongwa kwekuti vamwe vachatora zvigaro mubato iri vachaita zvekudomwa nemutungamiri webato, kwete kusarudzwa kukongiresi.
Mutauriri wemapurisa Assitant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanhu vatanhatu vakafa nemusi weChina, kuchitiwo vamwe gumi vakashaya nemusi weChishanu pakatanga zororo reEaster.
Kunyange hazvo moto mukuru kwazvo wakaparadza denga rechivakwa chechechi yeRoman Catholic yeNotre Dame iri muParis, kuFrance neMuvhuro usiku, vakawanda vanoti vanoshamisika kuti hapana hupenyu hwakarasika.
Asi rimwe gamba rehondo yerusununguko, VaBernard Manyadza, avo vaizivikanwa nerekuti Parker Chipoyera munguva yehondo yeChimurenga, vanoti vana veZimbabwe vachiri kurwisana nehondo yekuti vabude muhurombo hwavanoti hwakakonzerwa nehuwori pamwe nekutadza kutonga hwehurumende yeZanu PF.
VaMwonzora, avo vakanga vambozivisa kuti vachakwidzana naVaChamisa, vakati vave kuda kupa mutungamiri webato ravo mukana wekupedza zvaakatanga, ivowo vachipedzawo zvavakatangawo semunyori mukuru webato.
Vamwe vagari vekwaMutsvangwa, kudunhu reChimanimani, kuManicaland, vanoti havasi kunzwisisa mafambisirwo ari kuitwa rubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.
Mhuri dzakawanda dzakarasikirwa nemisha, uye zvikoro zvakawanda zvakakanganiswa neCyclone Idai.
Kanzuru yeHarare kutanga neChipiri yaparura hurongwa hwekuona kuti mabhizinesi ose ari mukati meguta iri ari kubhadhara mitero yemarezenisi here sezvinodiwa nemutemo.
Hotera iyi inozivikanwa zvikuru nekubatsira kwayakaita mukuchengeta vanhu vanodarika mazana mashanu pakaitika mafashamu aya pakati pemwedzi wapera, kuburikitsa nekupa vanhu ava pekugara pamwe nechikafu.
Amai Chideme vari kupomerwa mhosva yekuba rubatsiro rwakasiyanasiyana rwunokosha zviuru zvitatu zvemadhora rwaifanirwa kuenda kuvanhu vakavhiringidzwa nedutumupengo Cyclone Idai.
Mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, vanotendwa zvikuru nekukwanisa kwavo kuunza runyararo munyika yakanga yaparadzwa nekurwisana uku, runyararo urwo rwakaita kuti marudzi airwisana aya agarisane zvakare murunyararo.
Mushandi mukuru weEconet Group, VaLovemore Nyatsine, vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvakawanda zviri kuitwa nekambani yavo mudunhu iri.
Masangano anobatsira anonzi ari kuramba achienderera mberi nekubatsira vanhu vakavhiringwa nedutumupengo reCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland, izvo zvaita kuti mimwe migwagwa nemazambuko zvichifambika.
Muimbi ane mukurumbira Thomas Mukanya Mapfumo anoti akanyorera mutungamiri wenyika VaEmmersom Mnangagwa tsamba achivakumbira kuti ivo nehurumende yavo vashande nesimba kuona kuti yadzora chiremera chevana veZimbabwe kuburikidza nekumutsiridza hupfumi hwenyika
Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa riri kuita misangano yekongiresi mumatunhu aro maduku ose, kana kuti ma district, risati rapinda mumakongiresi ematunhu makuru, kana kuti ma province.
Kambani yeEconet yakabatana nevagari vakatanga hurongwa hwekubatsira kuchenesa nzvimbo dzakawirwa nedambudziko redutumupengo nemafashamu eCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland.
Rodhai zvimwe