Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Votarisirwa Kusangana neMadzishe ekuChimanimani neChipinge


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vashanyira zvakare Chimanimani kuti vasangane nemadzishe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kwaMutare masikati pamberi pemusangano wavo nemadzishe nemasadunhu ekuChimanimani neChipinge nemusi weChina.

Musangano uyu, uyo uchaitirwa kuNgaone, unonzi wakanangana nenyaya yekuti mhuri dzine misha yakakanganiswa nemafashamu emvura akakonzerwa nedutumupengo Cyclone Idai dzibviswe dzichinogariswa munzvimbo dzinofungidzirwa kuti dzinenge dzisina njodzi.

VaMnangagwa vanonzi vaperekedzwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.

Asi dzimwe mhuri dzakakanganiswa nedutumupengo iri dzinonzi hadzisi kuwirirana nepfungwa yehurumende iyi, yekuti vanhu vabviswe munzvimbo dzavo vachinogariswa kumwe, dzichiti padziri izvozvi dziri kurarama nekurima dzichidiridzira zvisina dambudziko.

Mhuri dzakawanda dzinonzi dzinorarama nekurima michero yakasiyanasiyana, iyo dzinozotengesera vanobva kune dzimwe nzvimbo nematunhu ari kure.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vanove zvakare seneta wedunhu reChimanimani, vanoti hurumende haisi kuzomanikidza vanhu kubva munzvimbo dzavari, asi ichaita kuti vanhu vaone njodzi yavanenge vakatarisana nayo.

Amai Mutsvangwa vanoti dzimwe nzvimbo dzakaparadzwa zvekuti vagari vari kutokumbira voga kuti vatamiswe vachiiswa kunzvimbo dzinogarika.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG