Accessibility links

Breaking News

Muimbi Thomas Mapfumo Otaura nezveTsamba Yaakanyorera VaMnangagwa


Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira Thomas Mukanya Mapfumo anoti akanyorera mutungamiri wenyika VaEmmersom Mnangagwa tsamba achivakumbira kuti ivo nehurumende yavo vashande nesimba kuona kuti yadzora chiremera chevana veZimbabwe kuburikidza nekumutsiridza hupfumi hwenyika.

Mukanya, uyo akasiya anyora tsamba iyi asati asimuka kubva kumusha mwedzi wapera, anoti kutambura kwevanhu kwaakaona panguva yaakanga ari kumusha kunomurwadza chose, achiti Zimbabwe inyika yakanaka chose zvekuti anoda kuona vana vachatevera pamwe nevazukuru vachikura nekugara munyika yakagadzikana.

Mapfumo anoti hugaro hwevanhu hwakanaka ndicho chinhu chakanyanyokosha munyika, uye anokurudzira vanhu kuti vasiyane nezvekurwisana vakamirira mapato ezvematongerwo enyika, asi kuti vatarise mukuvaka nyika. Ngatinzweyi hurukuro yaaita naJonga Kandemiiri weStudio 7.

Hurukuro naDoctor Thomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG