Accessibility links

Breaking News

FAO Inoti Zimbabwe Ndeimwe yeNyika Gumi Pasi Rose Dzakatarisana neDambudziko Guru reChikafu


Sangano reUnited Nations richiona nezvechikafu nekurima, reFAO, rinoti chanyanya kuwedzera kuipa kwezvinhu kukwira kwemitengo yezvekudya muZimbabwe.
Sangano reUnited Nations richiona nezvechikafu nekurima, reFAO, rinoti chanyanya kuwedzera kuipa kwezvinhu kukwira kwemitengo yezvekudya muZimbabwe.

Zimbabwe yakadomwa mugwaro resangano reUnited Nations seimwe yenyika gumi dzakatarisana nedambudziko guru rekusave nechikafu chakakwana, nomwe dzenyika idzi dziri dzemuAfrica.

Gwaro rakaburitswa nesangano reUnited Nations rinoona nezvechikafu pamwe nekurima, reFood and Agriculture Organization, FAO, rinoti chanyanya kuwedzera kuipa kwezvinhu kukwira kwemitengo yezvekudya muZimbabwe, izvo zviri kukanganisawo mhuri dzakawanda kuwana chikafu.

Gwaro iri, iro rinobata kubva muna Kubvumbi kusvika muna Chikumi, rinotsanangura kuti nyika dziri mudambudziko guru dzinenge dziri nyika dzinenge dzasangana nedambudziko idzva, kana kuti zvinhu zvinenge zvatowedzera kuipa pamatambudziko adzinenge dzagara dziinawo, zvichikanganisawo zvakanyanya nyaya dzekurima pamwe nekuchengetedzwa kwechikafu.

Gwaro iri rinoti chakanyanya kukonzera matambudziko muZimbabwe kukwira kwemitengo yezvekudya, izvo zvakakwira nezvikamu makumi matanhatu nezvina kubva muzana, pamwe nemafuta ekufambisa, ayo akakwira nezvikamu mazana maviri kubva muzana, zvichibatanawo netarisiro yegohwo remuna 2019 rakadzikira.

FAO inoti vanhu mamiriyoni maviri nemazana mapfumbamwe ezviuru vakatarisana nenjodzi iyi.

Gwaro iri rinoti matambudziko echikafu ari kutarisirwa kumboderedzwa zvishoma mune mimwe misha munguva yekukohwa kutanga mwedzi uno, asi mabvamumunda aya achakasika kupera zvichaita kuti mhuri idzi dzidzokere zvakare mukupemha.

Dzimwe nyika dzakatarisana nedambudziko dziri mugwaro iri dzinoti Nigeria, Burkina Faso, Haiti, Cameroon, South Sudan, Sudan, Venezuela, Yemen, neAfghanistan.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG