Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoomesa Mutemo paNyaya yeMarezenisi eMabhizimusi


Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba.
Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba.

Kanzuru yeHarare kutanga neChipiri yaparura hurongwa hwekuona kuti mabhizinesi ose ari mukati meguta iri ari kubhadhara mitero yemarezenisi here sezvinodiwa nemutemo.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwawo kuenda kune vemabhizimusi vari mumisha inogara veruzhinji.

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti mabhizimusi achaonekwa asina marezinesi achavharwa chiriporipotyo.

VaGomba vanoti kanzuru yavo yatora danho iri nekuona kuti iri kukundikana kuunganidza mari yekuti iwanise vagari zvavanotarisira, zvakaita sekugadzirwa kwemigwagwa, kuwanikwa kwemishonga mumakiriniki ekanzuru, pamwe nekuwanisa vagari mvura yakachena.

VaGomba vanoti dai vemabhizimusi ava vanga vachibhadhara mitero yavo kukanzuru dai vachikwanisa kuita zvose zvavanotarisirwa kuita pamutemo, asi nekuda kwekuti vamwe havasi kubhadhara mitero, kanzuru iri kukundikana kuwana mari.

Meya Gomba vanoti vari kutorawo mukana uyu kuvhara maburi ehuwori, ayo vanoti anga achiburitsa mari yakawanda kwazvo yaifanirwa kunge ichienda muhomwe yekanzuru kuburikidza nevemabhizimusi vanga vachibhadhara vashandi vekanzuru zviokomuhomwe.

Hurukuro naVaHerbert Gomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG