Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weMDC VaMwonzora Vanobuda muMakwikwi eKuda Kutungamira Bato reMDC


Munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora.
Munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Munyori mukuru webato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vakazivisa nezuro kuti havachaenderera mberi nepfungwa yavo yekuda kukwikwidza chigaro chemutungamiri webato pamusangno mukuru wekongiresi yebato ravo, uyo uri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya.

VaMwonzora, avo vakanga vambozivisa kuti vachakwidzana naVaChamisa, vakati vave kuda kupa mutungamiri webato ravo mukana wekupedza zvaakatanga, ivowo vachipedzawo zvavakatangawo semunyori mukuru webato.

Izvi zvinoitika panguva iyo matunhu matanhatu ebato reMDC adoma VaChamisa semunhu anofanirwa kutungamira bato iri, ukuwo VaMwonzora vasati vadomwa kana nedunhu rimwe.

Vamwe muMDC vakanga vachipomera munyori mukuru webato uyu kuti ari kushandiswa neZanu PF kukwikwidza VaChamisa kuitira kutsemura bato rinopikisa iri, izvo zvanga zvichirambwawo naivo VaMwonzora.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande, vanoti zvaitwa naVaMwonzora idanho rakanaka chose, sezvo zvichaita kuti bato reMDC rirambe rakabata risina kutsemuka sezvakamboitika mumakore adarika, apo dzimwe nhengo dzaibuda dzichinovambawo mapato adzo dzoga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG