Nyika yeRwanda neSvondo iri kucherechedza kusvitsa makore makumi maviri nemashanu vanhu vangangosvika mazana masere ezviuru vapondwa mukurwisana kwemarudzi.
Vazhinji vevanhu vakaurayiwa ava ndeverudzi rwechiTutsi, avo vakarohwa, kutemwa nemapanga nematemo, uye kupfurwa nepfuti neverudzi rwechiHutu, mumazuva zana ekupondana uku.
Kupondana kwemarudzi uku, uko kwakaitika muna 1994, kwakasiya vanhu vakawanda vatiza misha yavo, uye misha yakawanda yaparadzwa, izvo zvakazoita kuti nyika iyi ivakwe patsva mushure mekumira kwekurwisana uku.
Mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, vanotendwa zvikuru nekukwanisa kwavo kuunza runyararo munyika yakanga yaparadzwa nekurwisana uku, runyararo urwo rwakaita kuti marudzi airwisana aya agarisane zvakare murunyararo.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano revarairidzi rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti izvi zvakakwanisa kuitika chete nekuti hurumende yaVaKagame haina kuviga chokwadi chezvakaitika, sezvavanoti zviri kuitika muZimbabwe pamusoro peGukurahundi.
Doctor Zhou vanoti munhu akataura nezveGukurahundi muZimbabwe anoita seamutsa ngozi, sezvo vari muhurumende vasingade kuti zvakaitika izvi zvitaurwe pachena.
Vanotiwo zvakakosha chose kuti nyika dzose dzemuAfrica dzitevedzere zviri kuitwa nehurumende yaVaKagame, izvi zvaburitsa budiriro inotyisa munyika yakanga ichirwisana zuro uno.
Facebook Forum