Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Vanhu Vafa muTsaona dzemuMigwagwa Vsvika paGumi neVanomwe


Mutauriri wemapurisa anoti kuwedzerwa kwemapurisa mumigwagwa kwakabatsirawo kuderedza tsaona dzemumigwagwa.

Huwandu hwevanhu vashaya mutsaona dzemumigwagwa kubva pazororo reIndependence nemusi weChina, pamwechete neChishanu cheGood Friday kusvika neEaster Sunday hwasvika pagumi nevanomwe.

Mutauriri wemapurisa Assitant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanhu vatanhatu vakafa nemusi weChina, kuchitiwo vamwe gumi vakashaya nemusi weChishanu pakatanga zororo reEaster.

Assistant Commissioner Nyathi vanoti tsaona idzi dzinosanganisirawo dzevanhu vaitsikwa vatyairi vachibva vatiza panzvimbo.

Vanotiwo tsaona idzi dzinoratidza kuti vatyairi vainge vasina kuisa pfungwa dzavo pane zvavaiitia, zvekufamba mumugwagwa.

Assistant Commisioner Nyathi vanoti nguva imwecheteyo gore rapera vanhu makumi maviri nemumwe vakashaya, zvichiratidza kuti gore rino tsaona idzi dzakakadzikira nevanhu vana.

Vanoti kuderera kwetsaona uku kuri kubatsirwawo nekuwanda kwemapurisa ari mumigwagwa, pamwe nedzidziso dzavari kupa kuvatyairi nevafambi vachishanda pamwe nemamwe mapoka anoti reTraffic Safety Council, VID pamwe nevashandi vebazi rezvekutakurwa kwezvinhu.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG