Cyclone Idai
- Jonga Kandemiiri
Masangano eVarairidzi Oshanyira Zvikoro Zvakakanganiswa neCyclone Idai

Hutungamiri hwemasangano evarairidzi anoti Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, neZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, huri kushanya kumatunhu eChimanimani neChipinge huchiongorora kuparadzwa kwakaitwa zvikoro neCyclone Idai, pamwe nekunzwa matambudziko akatarisana nevarairidzi nevana vechikoro.
Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti chikuru chavari kunyanyotarisisa ndechekuti zvinokodzera here zvikoro zvivhurwe mwedzi unouya, sezviri kurongwa nehurumende, kana kuti zvononoka kuvhurwa kuitira kuti zvitange zvagadziriswa.
Asi VaMajongwe vanoti zvavaona muzvikoro zvisere zvavakwanisa kushanyira nhasi zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvarairidzi nevana vechikoro vese, sezvo vakasangana nematambudziko anonetsa kukanganwa nekukasika.
VaMajongwe vaudza Studio 7 kuti zvavari kuwana mumazuva matatu avachange vari mudunhu iri vachazozviendesa kubazi redzidzo kuti zviongororwe nekugadziriswa.
Zvichakadaro, mukuru wesangano reZimta mudunhu reManicaland, VaKudakwashe Edius Mbaura, vanotiwo varairidzi havana kugadzikana nekuda kwekurasikirwa nevana vavaidzidzisa.
Vanotiwo chimwe chiri kuitika ndechekuti varairidzi vari kukundikana kuwana rubatsiro rwechikafu rwuri kupiwa vanhu vachinzi havana mabhuku avagere.
VaMbaura vanotiwo dai zvaibvira varairidzi vapiwa rubatsiro rwechikafu pavo voga, kwete kuti vatsikirane nevabereki pamwe nevana vavanodzidzisa, sezvo izvi zvichidzikisa chiremerera chavo.
See all News Updates of the Day
- Blessing Zulu
Hurumende Yokundikana Kutengera Vashandi vemuZvipatara Zvinodzivirira Covid-19

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti chimwe chave kupa kuti chirwere checoronavirus chipararire zvakanyanya munyika inyaya yekuti vakoti navanachiremba havana zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kutapurirwa chirwere ichi kana kuti maPPE.
VaDongo vanoti vave nenguva yakareba vachikumbira kuti vawane zvikwanisiro zviri kukona n’anga murapwa achida.
Kubva zvakatanga kupararira chirwere ichi munyika muna Kurume, vashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vabatwa nechirwere ichi vadarika mazana matau nemakumi maviri nevatatu.
Vakoti vanoti zvekupfeka vave kutozviona kumarinda eHeroes Acre sepakashaya gamba renyika VaPerrance Shiri avo vakaradzikwa nemusi weChina.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Sangano rePlatform for Development Roshanda Mukubatsira Vakawirwa neDutumupengo reCyclone Idai

Mukuru wesangano re Platform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro akaita munamato wakaitwa nemubatanidzwa wemakereke akasiyina siyina emudunhu ravo wekunamatira vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.
Munamato uyu wakaitirwa paChecheche business center kuManicaland nemusi weMugovera.
VaMadhuku vanoti sangano ravo pari zvino riri kushanda nemamwe masangano akazvimirira mukuwona kuti rubatsiro rwuri kupihwa vakawirwa nedambudziko iri, rwuri kufambiswa nemazvo uye rwuri kusvika kwarwunofanirwa kusvika.
"Pari zvino tiri mubishi rekushanyira nzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri tichinyora zvatiri kuwona uye kuti rubatsiro rwuri kusvika kune vanofanirwa kunge vachirwuwana," Va Madhuku vaudza Studio7.
Dutumupengo reCyclone Idai rakasiya ravhiringwa hupenyu hwevanhu vakawanda avo vari kuda rubatsiro.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvakaparadzirwa misha, uye vanhu vanodarika mazana matatu vakafa mutsaona yedutumupengo iri.
- Jonga Kandemiiri
Vamwe Vagari veKuChimanimani Vonyunyuta neMafambisirwo Avanoti Ari Kuitwa Rubatsiro rweCyclone Idai

Vamwe vagari vekwaMutsvangwa, kudunhu reChimanimani, kuManicaland, vanoti havasi kunzwisisa mafambisirwo ari kuitwa rubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.
Kanzura we Wadhi 23, VaJoel Dhumakwezu, vanoti svondo rino mabhuku matatu chete kubva mumabhuku masere ari mu wadhi mavo ndiwo akashevedzwa kunotora chikafu chaigoverwa paDzingire.
VaDhumakwezu vanoti ivo sakanzura havana kana kumboziviswa nezvekugoverwa kwechikafu uku, uye vanoti vari kugovera chikafu ava vari kushanda nemunhu akakundwa kusarudzo dzemakanzuru, panzvimbo yekushanda naivo vakahwinha.
Vanotiwo havaoni vagari vemudunhu ravo vachibvuma kuzobviswa vachinogariswa kumwe zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa minda nemisha yavo neCyclone Idai.
VaDhumakwezu vanoti mararamiro avo vagari vari kushandisa mvura yesango mukudiridzira minda nemapindu avo, izvo zviri kuita kuti vakwanise kuendesa vana kuchikoro nekurarama zuva nezuva.
Facebook Forum