Accessibility links

Breaking News

Vashandi muBazi rezveHutano Vakawirwa neDambudziko reDutumupengo Vonyimwa Rubatsiro


Vashandi vanoona nezvehutano kumatunhu eChipinge neChimanimani vanonzi vari kusarurwa panyaya yerubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakapona patsaona yedutumupengo kana kuti cyclone Idai, iyo yakaurauya vanhu nekuparadza misha yavo.

Mashoko aya akabuda pamusagano wakaitirwa kuCelebration Church International kuBorrowdale muHarare, uyo wakaunganidza nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinodarika mazana matatu dzichipana mazano angarerutsira vashandi vakatarisana nedambudziko iri.

Nyaya huru yakanyanya kutaurwa nezvayo ndeyekuti vashandi ava vasvikawo pakuneta nebasa ravari kuita kubva njodzi iyi zvayakaitika nemusi wa15 Kurume, zvekuti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekuti vambozororawo nekuwana nguva yekugadzikana mupfungwa.’

Vamwe vashandi vezvehutano vakapona mudambudziko iri vakaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka.

Mukuru anoona nezvehutano hwepfungwa kuChipinge District VaTakunda Matereke vakatsanangura kuti hapana mushandi aiva akagadzirira dambudziko guru rakadai iro rakaparadza mazana nemazana evanhu nemisha inodarika zviuru makumi mashanu.

Mashoko aya akatsinhirwa nemukuru anoonawo nezvehutano hwepfungwa mudunhu reChimanimani District VaPhilip Mukorombindo, avo vakati chiitiko ichi chiri kutadza kugashirika uye zviri kurwadza nokuti chinhu chisati chamboitika munhoorondo yeZimbabwe.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vakatiwo vari kunetsekawo nekusarurwa kwevari mubazi rezvehutano panyaya yekuwaniswa rubatsiro kana kumboturawo befu.

Vakaendera mberi vachiti makiriniki akawanda nezvipatara pamwechete nedzimba dzaigara vashandi ava zvakakanganisika zvakanyanya nekudaro idambudziko rakasangana nemunhu wese anogara mumatunhu aya.

Dr Managazira vakaendera mberi vachiti vanhu vazhinji vachatamiswa kuenda kune dzimwe nzvimbo uko kuchazodawo kuiswa misasa yemakiriniki zvekuti dambudziko iri richatora nguva yakareba kuti hupenyu hwevanhu hugadzirike kana kudzokera pahwaimbove huri kare.

Vakaendera mberi vachiti bazi rezvehutano riri kurongawo kubaya nhomba yekudzivirira chirwere chekorera icho chatobatawo zvakasimba kuMozambique, nenhomba yekudzivirira gwirikwiti muvana vadiki.

Zvimwe zvezvinhu zvakabvumiranwa pamusangano uyu ndezvekuti nyanzvi dzakaungana idzi dzipote dzichienda kunoshanda kuChimanimani neChipinge kuti dzimbogamawo vashandi vehutano vekumatunhu aya.

Vakaungana pamusangano uyu vaisanganisa vakuru-vakuru vakabva kubazi rezvehutano, vamiriri vemasangano eMiracle Missions neAfricaid Zvandiri, nemamwewo akawanda anoshanda nevanhu vanenge vasangana namatambudziko erudzi urwu.

Mumwe Mufundisi weApostolic Faith Mission, VaSam Dube, avo vane sangano kuTynwald North muHarare, vakati zvavakaona kuChimanimani hazvitsanangurike uye mweya yevanhu vakawanda yakadzikiswa zvekuti zvichatora nguva yakareba kuti vapodzwe marwadzo iwaya.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG